Scripture Stories
Erisha naMauto aIshe


“Erisha naMauto aIshe,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Erisha naMauto aIshe,” Nyaya dzeTestamente Yekare

2 Madzimambo 6

Erisha naMauto aIshe

Ngoro dzemoto dzaIshe

Mufananidzo
masoja akakomberedza guta

VaSiria vaiva vasingadi vaIsraeri. Mambo wavaSiria akatumira mauto ake kunobata Erisha muporofita. Pausiku, mauto akakomberedza guta iro Erisha raaiva ari.

2 Madzimambo 6:8–14

Mufananidzo
Erisha nemuranda vakatarisa mauto echiSiria.

Muranda wechidiki waErisha akamuka uye akaona mauto echiSiria. Akabvunza Erisha kuti vaifanira kuita sei. Erisha akaudza murume wechidiki uye kuti asatya. Akati mauto aivarwira aiva akakura zvikuru kupfuura mauto aivarwisa.

2 Madzimambo 6:15–16

Mufananidzo
mauto okudenga aine ngoro dzemoto

Erisha akakumbira Ishe kuti varatidze murume wechidiki izvo Erisha zvaakaona. Ishe vakamuratidza mauto okudenga aiva namabhiza uye nengoro dzemoto ayo aizovadzivirira. Mauto echiSiria akapofomadzwa nesimba raMwari. Havana kuzorwisa vaIsraeri zvakare.

2 Madzimambo 6:17–23