Scripture Stories
Jakobo naEsau


“Jakobo naEsau,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Jakobo naEsau,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 25–27

Jakobo naEsau

Vaberekedzani vaviri uye nhaka yekuberekwa imwechete

Mufananidzo
Esau naJakobo vachishanda

Isaka naRebeka vakanga vaine vakomana mapatya, Jakobo naEsau. Esau aiva muvhimi ane unyanzvi. Jakobo airarama upenyu hwakareruka uye aitevera Ishe.

Genesi 25:20–28

Mufananidzo
Esau naIsaka

Esau ndiye akatanga kuzvarwa. Dangwe raiwanzogamuchira ropafadzo yenhaka yekuberekwa kubva kuna baba varo. Nhaka yekuberekwa yaireva kuti aizotungamirira mhuri uye achiva nenzvimbo yakakura nezvipfuyo zvizhinji kuitira kubatsira kuriritira mhuri yacho. Asi Esau aiva nehanya yakanyanya pamusoro pezvake pachake kupfuura mhuri yake, uye aisateerera vabereki vake naIshe.

Genesi 25:25, 32; 26:34–35

Mufananidzo
Jakobo anopa Esau zvokudya

Rimwe zuva Esau akadzoka kubva kunovhima. Akanga aine nzara zvikuru uye akakumbira Jakobo kuti amupe zvokudya. Ishe vaida kuti Jakobo ave neropafadzo renhaka yekuberekwa nokuda kwokuti Esau aiva asina kurikodzera. Jakobo akakumbira Esau kuti atengeserane naye nhaka yekuberekwa nezvokudya. Esau akabvuma uye akatengesa nhaka yake yekuberekwa kuna Jakobo.

Genesi 25:23, 29–34; VaHeberu 11:20

Mufananidzo
Rebeka naIsaka

Rebeka naIsaka vaida izvo zvaiva zvakanakira vana vavo. Vakasuwa kuti Esau akaramba achiita zvinhu zvaaida uye kwete izvo zvaidiwa naIshe.

Genesi 26:34–35

Mufananidzo
Isaka achitaura naEsau

Isaka akakwegura uye akapofomara. Asati afa, akakumbira Esau kuti avhime uye amubikire mhuka yekuti adye uye anakirwe.

Genesi 27:1–4

Mufananidzo
Rebeka akatarisa Esau

Rebeka akaziva kuti yaiva yavanguva yekuti Isaka ape ropafadzo renhaka yekuberekwa.

Genesi 27:5

Mufananidzo
Rebeka achitaura naJakobo

Rebeka akakumbira Jakobo kuti atore mhuka mbiri kuitira kuti akwanise kubika zvokudya zvacho Esau asati adzoka. Zvino Jakobo aizogamuchira ropafadzo racho.

Genesi 27:6–17

Mufananidzo
Isaka achipa Jakobo ropafadzo

Jakobo akapfeka saEsau uye akauya nezvokudya kuna baba vake. Isaka akapa Jakobo ropafadzo renhaka yekuberekwa. Apo Esau paakadzoka, akatsamwira Jakobo zvikuru. Asi nhaka yekuberkwa yakaenda kuna Jakobo nokuda kwokuti akachengeta mirairo yaIshe uye Esau haana.

Genesi 27:18–29