Scripture Stories
Danieri neShamwari Dzake


“Danieri neShamwari Dzake,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Danieri neShamwari Dzake,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Danieri 1

Danieri neShamwari Dzake

Kuramba kudya zvokudya zvamambo

Mufananidzo
vakomana vakatorwa namasoja

Nyika yeBabironi yakakurira Jerusarema. Vakatora mamwe amajaya akanyanya kuchenjera uye akasimba zvikuru kubva kumhuri dzavo muJerusarema uye vakavaunza kuBabironi kuzoshandira mambo.

Danieri 1:1–4

Mufananidzo
majaya mudare ramambo

Danieri neshamwari dzake vaiva vamwe vamajaya aya. Vakasarudzwa kuti vashandire mudare ramambo uye vagova varume vake vakangwara.

Danieri 1:4–6

Mufananidzo
zvokudya newaini

Mambo akapa Danieri neshamwari dzake zvokudya newaini. Asi havana kuda kudya zvokudya zvamambo kana kunwa waini. Zvaipikisana nemirairo yaMwari.

Danieri 1:5–8

Mufananidzo
majaya achidya

Izvi zvakaita kuti muranda wamambo atyire upenyu hwake. Akachengeta Danieri neshamwari dzake, uye akafunga kuti kana vakaramba zvokudya zvamambo, vaizova vakaondoroka kupfuura mamwe majaya. Zvino mambo aizotsamwa uye ouraya muranda iyeye.

Danieri 1:9–10

Mufananidzo
Danieri achitaura nemuranda

Asi Danieri aivimba naMwari uye aida kuteerera mirairo Yavo. Danieri akakumbira muranda uyu kuti avape mvura nezviyo kwamazuva gumi uye zvino ozoenzanisa hutano hwavo nehutano hwemamwe majaya. Muranda akabvuma.

Danieri 1:11–14

Mufananidzo
Daniel neshamwari vachinzvera

Mushure memazuva gumi, Danieri neshamwari dzake vaiva nehutano hwakanaka kupfuura mamwe majaya ose. Danieri neshamwari dzake vakatevera mirairo yaMwari, uye Mwari vakavaita varume vakangwara kupfuura vamwe vose mudare ramambo.

Danieri 1:15–20