Scripture Stories
Rute naNaome


“Rute naNaome,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Rute naNaome,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Rute 1–4

Rute naNaome

Kukunda zviedzo kuburikidza nerudo uye neruvimbiko

Mufananidzo
Naome nemhuri vachifamba muguta

Naomi nemhuri yake vakatamira kuMoabi nokuti kwaive kusina zvokudya zvakakwana munyika yaJuda. Zvino murume waNaome akafa. Vanakomana vaNaome vakachata namadzimai ekuMoabi vainzi Orpa naRute. Vakachengeta Naome kwemakore gumi.

Rute 1:1–4

Mufananidzo
Orpa, Rute, naNaome vachimbundirana

Zvino varume vaOrpa naRute vakafa. Zvino madzimai aya aiva avaoga. Naome akanga asingakwanise kuwanira Rute naOrpa zvokudya.

Rute 1:5, 8–10

Mufananidzo
Rute naNaomi vachifamba rwendo nengamera

Orpa akadzokera kumusha. Asi Rute aida kusara uye kuchengeta Naome. Rute naNaomi vakanzwa kuti nyika yeJuda yakanga yava nezvirimwa zvakare, saka vakaenda ikoko.

Rute 1:16–19

Mufananidzo
Rute achiunganidza zviyo

Rute naNaome vakasvika kuJuda panguva yekukohwa. Vaida zvokudya. Hama yaNaome yainzi Boazi yaiva neminda muJuda. Akabvumira Rute kutora zviyo zvakanga zvasaririra muminda yake. Rakanga riri basa rakaoma.

Rute 1:22; 2:3

Mufananidzo
Boazi achitaura naRute

Boazi airemekedza Rute nekuti aishanda nesimba uye nokuti aive akavimbika kuna Naome uye nokuna Ishe. Akataurira varanda vake kuti vasiye zviyo zvakawanda muminda kuitira Rute.

Rute 2:5–17

Mufananidzo
Rute naNaome

Naome aida kuti Rute ave nemhuri. Akakurudzira Rute kuti achate naBoazi. Rute aiziva kuti kana iye naBoazi vakachata, pamwechete vaizokwanisa kuchengeta Naome.

Rute 3:1–2; 4:15

Mufananidzo
Rute naBoazi

Rute akasarudza kukumbira Boazi kuti achate naye. Boazi aiziva kuti Rute aiva mukadzi akavimbika uye akarurama. Akabvuma.

Rute 3:3–18; 4:13

Mufananidzo
Rute, Boazi, nemucheche

Rute naBoazi, vakachata. Nenguva pfupi Rute akaita mwanakomana. Akazova sekuru vaDavidi, mambo weramangwana. Mushure memakore mazhinji, Jesu Kristu akaberekwa mumutsetse wemhuri iyi.

Rute 4:13–17