Scripture Stories
Kusikwa kweNyika


“Kusikwa kweNyika,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Kusikwa kweNyika,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 1–2; Mosesi 1–3; Abrahama 3–5

Kusikwa kweNyika

Imba yakanaka yevana vaBaba Vokudenga

Mufananidzo
Mwari naIshe vachisika zvisikwa zvose

Mwari Baba vedu Vokudenga vakakumikidza chirongwa cheruponeso kudenga. Tose takadaidzira nemufaro! Taizokwanisa kuuya panyika kuzogamuchira muviri wenyama. Tiri panyika, taizodzidza kutevera Mwanakomana waMwari, Ishe Jesu Kristu. Ishe vakasika nyika vachitevera mirairidzo yaMwari.

Genesi 1:1; Jobo 38:4–7; Mosesi 1:32–33; 2:1; Abrahama 3:22–-27

Mufananidzo
nyika iri muchadenga

Pazuva rekutanga, Ishe vakaparadzanisa chiedza kubva kurima. Vakadaidza chiedza kuti zuva uye rima usiku.

Genesi 1:3–5; Mosesi 2:3–5; Abrahama 4:1–5

Mufananidzo
makore uye nyanza

Pazuva rechipiri, Vakakaparadzanisa mvura pakati pemakore ari mudenga nemakungwa panyika.

Genesi 1:6–8; Mosesi 2:6–8; Abrahama 4:6–8

Mufananidzo
zisango pedyo negungwa

Pazuva rechitatu, Ishe vakasika makungwa makuru uye nenzvimbo yakaoma. Vakatumidza mvura kuti gungwa uye nzvimbo yakaoma kuti nyika. Vakaita kuti nyika ive yakanaka iine maruva, michero, zvirimwa, nemiti.

Genesi 1:9–13; Mosesi 2:9–13; Abrahama 4:9–13

Mufananidzo
mufananidzo weusiku nemasikati

Pazuva rechina, Vakasika zuva kuti ripenye masikati. Zvino Vakasika mwedzi nenyenyedzi kuti zvipenye usiku.

Genesi 1:14–19; Mosesi 2:14–19; Abrahama 4:14–19

Mufananidzo
zvisikwa zvegungwa

Pazuva rechishanu, Ishe vakasika hove mugungwa uye neshiri mudenga. Vakaropafadza zvisikwa kuti zviwande uye vakaropafadza hove kuti dzizadze mvura.

Genesi 1:20–23; Mosesi 2:20–23; Abrahama 4:20–23

Mufananidzo
mhuka dzesango

Pazuva rechitanhatu, Vakasika mhuka panyika, dzimwe dzaifamba uye dzimwe dzaikambaira.

Genesi 1:24–25; Mosesi 2:24–25; Abrahama 4:24–25

Mufananidzo
Adama naEva muBindu reEdeni

Baba Vokudenga uye Ishe vakadzika pasi kunyika pazuva rechitanhatu. Murume nemukadzi vakasikwa mumufananidzo waMwari. Baba Vokudenga vakavataurira kuti vachengetane uye vaite vana. Murume nemukadzi vakavimbwawo navo kuti vachengete nyika uye mhuka.

Genesi 1:26–27; Mosesi 2:26–27; Abrahama 4:26–31; 5:7–8

Mufananidzo
Adama naEva vakatarisa mhuka

Baba Vokudenga vakafara nezvinhu zvose zvaVakasika. Pazuva rechinomwe, Vakazorora kubva pabasa Ravo rose. Nyika yaive yakanaka uye yakazara neupenyu.

Genesi 2:1–3; Mosesi 3:1–3; Abrahama 5:1–3