Scripture Stories
Paseka


“Paseka,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Paseka,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Eksodo 11–12; 14–15

Paseka

Kudzivirirwa naIshe

Mufananidzo
Mosesi achinamata

Farao akaramba kuti vaIsraeri vasunungurwe vaende, saka Ishe vakaudza Mosesi kuti Vaizotumira rimwe dambudziko rokupedzisira. Mwana aiva dangwe remhuri yoga yoga munyika yeEgipita aizofa, kunyangwe dangwe remhuka dzavo.

Eksodo 11:1, 4–10

Mufananidzo
Mosesi achitaura kuvanhu

Ishe vakavimbisa kuti kana vaIsraeri vakatevera mirairidzo Yavo, dambudziko raizopfuura napamusoro pavo uye raisazovakuvadza.

Eksodo 12:3, 13, 23

Mufananidzo
Murume achipenda gwatidziro regonhi, vana vakatarisa

Ishe vakaudza mhuri yechiIsraeri yoga yoga kuti ibayire gwayana gono rakarurama uye vapende ropa regwayana racho pagwatiridziro redzimba dzavo.

Eksodo 12:4–7

Mufananidzo
Mhuri ichidya zvokudya zvemanheru

Ishe vakaudza vaIsraeri kuti vabike uye vakurumidze kudya gwayana racho. Apo pavainge vachidya, vaifanira kunge vakapfeka mbatya uye vakagadzirira kusiya dzimba dzavo. Ishe vakati kana vaIsraeri vakaita zvinhu izvi, matangwe avo aizochengetedzwa kubva kudambudziko.

Eksodo 12:8–11

Mufananidzo
Mwanakomana waFarao akafa

Sokuyambira kwakaita Ishe, dambudziko rakauya. Matangwe ose muEgipita akafa, kusanganisira mwanakomana mukurusa waFarao. Asi dambudziko rakapfuura napamusoro peimba yoga yoga iyo akanga iine ropa regwayana pagwatiridziro. Matangwe avaIsraeri akaponeswa nokuda kwokuti vakateerera kuna Ishe.

Eksodo 12:12–13, 29–30

Mufananidzo
Farao akasuwa achiudza Mosesi naAroni kuti vaende

Apo Farao paakaona kuti mwanakomana wake pachake aiva afa nokuda kwedambudziko iri, akaudza Mosesi naAroni kuti vatore vaIsraeri vose uye vabude muEgipita.

Eksodo 12:31–33

Mufananidzo
Farao akashatirwa achituma mauto

VaIsraeri vakabva, asi Farao aiva ashatirwa. Akaunganidza mauto ake uye ngoro dzake uye akadzingirira vaIsraeri.

Eksodo 12:37–41: 14:5–8

Mufananidzo
mauto achidzingirira vaIsraeri

VaIsraeri vakamisa misasa paGungwa Dzvuku. Nechinguva chipfupi Farao namauto ake vakavabata. Apo vaIsraeri pavakaona vaEgipita vachiuya, vakatya. Asi Mosesi akaudza vaIsraeri kuti Ishe vaizovadzivirira.

Eksodo 14:9–14

Mufananidzo
Mosesi achisimudza tsvimbo, Gungwa Dzvuku richiparadzana napakati

Apo vaEgipita pavakasvika pedyo, Ishe vakaudza Mosesi kuti asimudze tsvimbo yake. Mosesi akadaro, uye Ishe vakaparadzanisa gungwa. VaIsraeri vakayambuka gungwa napasi pakaoma. Vakatiza kubva kuna Farao namauto ake.

Eksodo 14:15–16, 21–22

Mufananidzo
Gungwa Dzvuku richiwira pamauto echiEgipita

Mauto echiEgipita akadzingirira vaIsraeri. Apo vaIsraeri vose pavaiva vayambuka zvakanaka kuenda kune rimwe divi regungwa, Ishe vakarega mvura ichidzika pasi. Mauto echiEgipita vakanyura mugungwa.

Eksodo 14:23–30

Mufananidzo
VaIsraeri vachipembera

VaIsraeri vakanga vasununguka pokupedzisira. Vakaimba dzimbo, vakapembera, uye vakatenda Ishe. Nguva dzose vakarangarira Paseka senguva iyo Ishe yavakaponesa upenyu hwavo uye vakavatungamira kubuda muEgipita.

Eksodo 14:31; 15:1–22