Scripture Stories
Mauto aGideoni


“Mauto aGideoni,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Mauto aGideoni,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Vatongi 6–7

Mauto aGideoni

Kuvimba naIshe muhondo

Mufananidzo
VaMidiani vachiba zvokudya

Vanhu vaIsraeri vakaropafadzwa kwamakore mazhinji. Asi zvino vakasarudza kusateerera Ishe. Kuti vavabatsire kuVarangarira, Ishe vakaregera mhandu dzavo vaMidiani dzichitora zvokudya zvavo nemhuka dzavo. VaIsraeri vakanga vava kuziya nenzara , saka vakarangarira Ishe uye vakanamatira rubatsiro kwaVari.

Vatongi 6:1–7

Mufananidzo
ngirozi ichitaura naGideoni

Gideoni aiva murume aibva kumhuri yavarombo. Ishe vakatumira ngirozi kunomudaidza kuti asunungure vaIsraeri. Gideoni anoshamisika kuti sei Ishe vakamusarudza.

Vatongi 6:11–15

Mufananidzo
vanhu vakashatirirwa Gideoni pedyo nechifananidzo chakaparadzwa

Ishe vakaudza Gideoni kuti aparadze nzvimbo idzo vaIsraeri dzavainamatira vamwari venhema. Apo Gideoni paakateerera, vanhu vakatsamwa zvikurusa.

Vatongi 6:25–27

Mufananidzo
Baba vaGideoni vachimudzivirira kubva kuvanhu vakashatirwa

VaIsraeri vaida kuuraya Gideoni. Asi baba vaGideoni vakavapwisa kuti vasamukuvadza. Gideoni akachengetedzwa.

Vatongi 6:28–32

Mufananidzo
Gideoni achinamata

Gideoni haana kufunga kuti aikwanisa kusunungura vaIsraeri. Paiva namasoja anopfuura zviuru zana namakumi matatu ane mashanu mumauto echiMidiani. Asi Ishe vakapa Gideoni ungwaru nesimba.

Vatongi 6:13–16; 8:10

Mufananidzo
masoja achibva mumauto

Ishe vaida kuti vaIsraeri vazive kuti vaikwanisa kukunda nesimba Ravo, kwete ravo pachavo. Kunyangwe zvazvo vaIsraeri vakanga vaine masoja zviuru makumi matatu ane zviviri chete, Ishe vakakumbira Gideoni kuti atumire kumusha masoja ose ayo aiva achitya. Pashure zviuru makumi maviri ane maviri akaenda kumusha, vaIsraeri vakasiiwa namasoja zviuru gumi.

Vatongi 7:2–3

Mufananidzo
masoja achinwa kubva mumvura

Ishe vakati zviuru gumi zvaiva zvichiri masoja akawandisa. Vakaudza Gideoni kuti atore mauto zasi kumvura. Avo vainwa kubva mumvura chaimo nemiromo yavo vaizotumirwa kumusha. Avo vaishandisa maoko avo kunwa mvura vaikwanisa kugara. Zvino varwi mazana matatu chete ndivo vakasara.

Vatongi 7:4–7

Mufananidzo
Masoja echiIsraeri vaine hwamanda uye nemwenje vari pamusasa wavaMidiani.

Pokupedzisira, vaIsraeri vaiva vagadzirira kurwa. Ishe vakataridza Gideoni makundiro okuita vaMidiani. Gideoni akaudza mauto ake kushandisa hwamanda nemwenje kuvatyisidzira. Ruzha uye chiedza zvakavhiringidza vaMidiani zvikuru zvokuti vakatanga kurwisana pakati pavo. Zvino vakaridza mhere uye vakatizira kure.

Vatongi 7:16–22

Mufananidzo
Gideoni achitungamirira masoja

Nokuda kwokuti Gideoni akavimba naIshe, vaIsraeri vakakunda mauto echiMidiani aiva akawanda vaine masoja mazana matatu chete. Ishe vakasunungura vanhu veIsraeri.

Vatongi 7:23–25