Scripture Stories
Eria neVapirisita vaBaari


“Eria neVapirisita vaBaari,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Eria neVapirisita vaBaari,” Nyaya dzeTestamente Yekare

1 Madzimambo 18

Eria neVapirisita vaBaari

Pikiso pakati peMuporofita waIshe nevapirisita venhema

Mufananidzo
chifananidzo chidiki chaBaari

Nyika yeIsraeri yakaramba ichatambura nekuda kwekusava nemvura. Mambo Ahabi akataurira vanhu kuti vatevere mwari wenhema ainzi Baari.

1 Madzimambo 18:1–2, 17–18

Mufananidzo
Eria achitaura naAhabi

Ishe vakatuma muporofita Eria kunosangana naAhabi. Eria akakoka vanhu vose kuti vauye pamusoro pegomo. Akakoka mambo nevapirisita vake kuyedzo yekuona kuti pakati paIshe naBaari ndiani aiva Mwari wechokwadi.

1 Madzimambo 18:19–21

Mufananidzo
Eria achitaura nevapirisita vaBaari

Eria akatsanangura yedzo yacho. Iye nevapirisita vaizobayira nzombe paatari, asi havaizobatidza moto ivo pachezvavo. Panzvimbo paizvozvo, vapirisita vaizonamata kuna Baari kuti abatidze moto. Zvino Eria aizonamata kuna Ishe kuti vabatidze moto. Eria aiziva kuti chete Mwari vechokwadi ndivo vaizobatidza moto.

1 Madzimambo 18:22–25

Mufananidzo
Eria achitaura kuchikwata chevanhu

Vapirisita vaBaari vakanamata kuna mwari wavo kubva mangwanani kusvika masikati, asi hapana chakaitika. Eria akaseka navo uye akati mwari wavo Baari anofanira kunge akarara.

1 Madzimambo 18:26–27

Mufananidzo
vapirisita vaBaari vachinamata paaritari

Vapirisita vakatsamwa, vakasvetukira paaritari, uye vakadaidzira kusvikira manheru. Vaitarisira kuti mwari wavo aizopindura, asi paiva pasina moto.

1 Madzimambo 18:28–29

Mufananidzo
Eria akapfugama

Zvino chakava chijano chaEria. Akavaka aritari kuna Ishe, akachera goronga rakakomberedza aritari, uye akagadzira chibayiro chacho.

1 Madzimambo 18:30–32

Mufananidzo
Eria nevanhu vachivaka aritari

Eria akakumbira vanhu kuti vazadze migomo mina yemvura uye vaidururire pahuni dzearitari yake katatu. Mvura yakanyorovesa huni nearitari. Yakazadza goronga rose.

1 Madzimambo 18:33–37

Mufananidzo
Eria achinamata padivi pearitari

Eria akanamata kuna Ishe kuti varatidze simba raMwari rechokwadi. Moto waIshe wakauya pasi ukaparadza chibairo, huni, mabwe, nemvura. Vanhu vakaziva kuti Mwari vaEria ndivo vaiva Mwari wechokwadi. Eria akanamata kuti kusanaya kwemvura kugume, uye Ishe vakatumira mvura.

1 Madzimambo 18:38–41