Scripture Stories
Danieri neChiroto chaMambo


“Danieri neChiroto chaMambo,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Danieri neChiroto chaMambo,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Danieri 2

Danieri neChiroto chaMambo

Shoko raMwari rakavanzika kuna mambo

Mufananidzo
mambo achirota

Mambo weBabironi akava nechiroto icho chakamunetsa. Akaraira kuti vapirisita vake uye varume vakangwara vamutaurire zvairehwa nechiroto ichi.

Danieri 2:1–3

Mufananidzo
mambo achifunga

Mambo haana kuvataurira chiroto chacho. Akati kana vapirisita navarume vakangwara ava vaiva nesimba zvechokwadi, vaikwanisa kumutaurira kuti chiroto ichi chaiva chei uye kuti chairevei.

Danieri 2:4–9

Mufananidzo
mambo achidzinga varume vakangwara

Vapirisita navarume vakangwara vakataurira mambo kuti havaikwanisa kududzira chiroto chake kana akasavaudza kuti chaiva chei. Vakati hapana munhu aikwanisa kuita izvozvo. Mambo akatsamwa uye akati aizouraya varume vakangwara vose munyika, kusanganisira Danieri neshamwari dzake.

Danieri 2:10–13

Mufananidzo
Daniel achitaura nemusoja

Apo murindi wamambo paakauya kuzotora Danieri neshamwari dzake, Danieri akakumbira kupuwa nguva yakawanda kuitira kuti akwanise kutaurira mambo zvaireva chiroto chake. Danieri aiziva kuti Mwari vanoziva uye vanoona zvinhu zvose, kunyangwe zviroto. Danieri akakumbira shamwari dzake kuti dzinamate naye.

Danieri 2:14–18

Mufananidzo
Daniel achinamata

Mwari vakaratidza Danieri chiroto chamambo muchiratidzo uye vakadzidzisa Danieri zvachaireva. Danieri akatenda Mwari nokupindura minamato yake neye shamwari dzake uye nokuponesa upenyu hwavo. Zvino akaenda kunotaurira mambo zvaireva chiroto chacho.

Danieri 2:19–25

Mufananidzo
Danieri achitaura namambo

Danieri akati chiroto chamambo chaiva pamusoro pechiumbwa chikurusa icho chakaparadzwa nebwe rakavezwa kubva mugomo. Chiumbwa chaimirira humambo hwepanyika. Ibwe rakavezwa kubva mugomo raimirira humambo hwaMwari hwaizozara panyika. Mambo akaziva kuti Danieri akataura chokwadi.

Genesi 2:26–49