Scripture Stories
Maraki Muporofita


“Maraki Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Maraki Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Maraki 13

Maraki Muporofita

Kurarama mutemo wechegumi

Mufananidzo
vanhu vachipa chegumi chisina kunaka

VaJuda vaibhadhara chegumi kuburikidza nekupa chikamu chimwechete kubva mugumi chezvirimwa nemhuka dzavo kuna Ishe. Ishe vaivaropafadza apo pavaibhadhara chegumi. Asi vamwe vaJuda vakatanga kupa chingwa chakaipa kana mhuka dzisingaoni kana dzinorwara sechegumi chavo. Vaizvichengetera izvo zvaiva zvakanakisisa.

Genesi 14:20; 28:22; Deuteronomio 12:6, 11, 17; Maraki 1:7–8, 12–13

Mufananidzo
Maraki achidzidzisa vanhu

Ishe havana kufara. Maraki, muporofita, akataurira vaJuda kuti vaiva vachibira Ishe apo pavainge vasina kuvimbika mukubhadhara chegumi. Maraki akavaudza kuti vatendeuke.

Maraki 3:8–9

Mufananidzo
Maraki akatarira vanhu vachipa chegumi chakavimbika

Ishe vakapa vaJuda vimbiso. Kana vakapa chegumi chakavimbika, Ishe vaizodurura maropafadzo makuru kubva kudenga.

Maraki 3:10–12.