Scripture Stories
Noa neMhuri Yake


“Noa nemhuri Yake,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Noa neMhuri Yake,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 6–9; Mosesi 8

Noa neMhuri Yake

Areka, mafashamu, uye vimbiso dzaIshe

Mufananidzo
Noa akatarisa vanhu

Noa nemhuri yake vakateerera Ishe. Vamwe vanhu vose vaiva vakanyangara zvikuru. Ishe vakataurira Noa kuti mafashamu aizofukidza nyika kana vanhu vakasatendeuka.

Genesi 6:5–13; Mosesi 8:13–17

Mufananidzo
Noa achidzidzisa vanhu

Noa akadzidzisa vanhu kuti Ishe vaivada uye vaida kuti vatendeuke uye vave nerutendo muna Jesu Kristu. Havana kuteerera.

Mosesi 8:19–30

Mufananidzo
Noa nemhuri vachivaka areka

Noah akasuwa kuti vanhu vairamba kutendeuka. Ishe vakataurira Noa kuti avake ngarava huru yaidaidzwa kunzi areka. Areka yaizochengetedza mhuri yaNoa yakadzivirirwa panguva yemafashamu.

Genesi 6:14–18; Mosesi 8:25

Mufananidzo
mhuka dzichifamba kupinda muareka

Mhuri yaNoa yakaunza zvokudya muareka. Ishe vakatumira mhuka mbiri dzerudzi rwega rwega kuna Noa. Mhuka dzakapinda muareka, uye mushure memazuva manomwe kwakatanga kunaya.

Genesi 6:18–22; 7:1–9

Mufananidzo
areka yakayangarara pamusoro pegungwa

Sekuyambira kwakaita Ishe, kwakanaya kwemazuva makumi mana uye husiku makumi mana. Mafashamu akafukidza nyika.

Genesi 7:6–23

Mufananidzo
Noa nemhuri

Mhuri yaNoa uye nemhuka dzose dzaiva muareka vakayangarara zvakachengeteka pamusoro pemvura.

Genesis 7:24; 8:1–3

Mufananidzo
Noa, mhuri, uye mhuka panyika

Apo mafashamu paakapera, areka yakamhara pasi pakaoma. Noa nemhuri yake vakavaka aritari yekunamata Ishe uye kuvatenda nekuvadzivirira kwavaiva vaita. Ishe vakavimbisa kusazombofashamisa nyika zvakare. Vakatumira muraraungu sechiyeuchidzo chevimbiso Yavo.

Genesi 8:13–22; 9:8–17