Scripture Stories
Jona Muporofita


“Jona Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Jona Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Jona 1–4

Jona Muporofita

Kudzidza kuvimba nengoni dzaIshe

Mufananidzo
Jona achiratidza kusuruvara

Jona aiva muporofita. Ishe vakamuudza kuti ayambire vanhu muNineve kuti guta ravo raizoparadzwa kana vakasatendeuka.

Jona 1:1–2

Mufananidzo
Jonah achikwira mugwa

Asi vanhu veNineve vaiva vavengi kuvaIsraeri. Jona akanga asingadi kuparidza kwavari. Saka akapinda mungarava kuti aende kure kubva kuNineve.

Jona 1:3

Mufananidzo
ngarava pagungwa rine dutu

Apo Jona paakanga ari mungarava, dutu guru rakauya. Varume vaiva mungarava vakatyira upenyu hwavo. Vakakumbira Jona kuti anamate kuna Ishe kuti vavaponese.

Jona 1:4–6

Mufananidzo
Jona achitaura nevatyairi vengarava

Jona akaziva kuti Ishe vakatumira dutu nokuda kwokuti aiva achitiza kubva kune izvo Ishe zvavaiva vamukumbira kuti aite. Jona aida kuponesa vanhu vaiva mungarava. Akati kana vakamukanda mugungwa, dutu raizomira.

Jona 1:12

Mufananidzo
vatyairi vengarava vanokanda Jona kubva mugwa.

Varume ava vaiva vasingadi kukanda Jona kunze kwegwa. Vakaedza kukwasva ngarava kuti iende kumahombekombe, asi dutu rakanga rakanyanyisa kusimba. Pokupedzisira, vakakanda Jona mugungwa.

Jona 1:13–15

Mufananidzo
Hove huru ichimedza Jona

Dutu rakamira. Asi zvino Jona aiva amedzwa nehove huru.

Jona 1:15, 17

Mufananidzo
Jona ari pamahombekombe egungwa

Jona aiva mudumbu rehove kwamazuva matatu neusiku hutatu. Panguva iyoyo, Jona akanamata uye akatendeuka. Aida kuita izvo zvaiva zvakarurama uye nokuteerera kuna Ishe. Ishe vakanzwa minamato yaJona uye vakaita kuti hove isvipire Jona panyika yakaoma.

Jona 1:17; 2:1–10

Mufananidzo
Jona achiparidza kuvanhu

Ishe vakaudza Jona zvakare kuti aparidze kuvanhu veNineve. Panguva ino Jona akateerera. Akaenda kuNineve uye akaudza vanhu kuti vatendeuke kana kuti Ishe vaizoparadza guta ravo. Mambo navanhu vake vakatendeuka. Ishe vakavaregerera uye havana kuparadza Nineve.

Jona 3

Mufananidzo
Jona achiratidza kutsamwa

Asi Jona akagumbuka kuti vanhu vacho vakanga vasina kuparadzwa. Akanga asingafungi kuti vaikodzera kuregererwa.

Jona 4:1–2

Mufananidzo
Jona akatarisa pamuti wakafa

Kuti vadzidzise Jona chidzidzo, Ishe vakakudza muti kuti udzivirire Jona kubva kuzuva. Zvino muti uyu wakafa, uye Jona akanzwa kusuwa kuti muti wacho waiva wafa.

Jona 4:5–9

Mufananidzo
Jona achidzidzisa boka revanhu

Ishe vaidzidzisa Jona chidzidzo pamusoro pavana Vavo. Jona akadzidza kuti anofanira kusuwa apo vanhu pavanenge vasingatendeuki uye kuti anofanira kufara apo pavanotendeuka.

Jona 4:10–11