Scripture Stories
Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego


“Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Danieri 1; 3

Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego

Chiedzo chorutendo chinenjodzi

Mufananidzo
Mambo Nebukadnezari uye chifananidzo chendarama

Mambo Nebukadnezari akavaka hofori yechifananidzo, chendarama uye akamanikidza vanhu vake kuti vachinamate. Kana vakaramba, vaizoiswa mubisiro remoto.

Danieri 1:6–7; 3:1–6

Mufananidzo
Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego

Shamwari dzaDanieri Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego vaida Mwari uye vakaramba kunamata mwari wenhema wamambo. Mambo akavashatirirwa.

Danieri 3:6–15

Mufananidzo
Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego vachitaura namambo

Shamwari nhatu idzi dzakataurira mambo kuti vaizonamata Mwari chete. Vaitenda kuti Mwari vaikwanisa kuvadzivirira. Asi kunyangwe dai Vaisavaponesa, vaizodzivirira izvo zvavaitenda.

Danieri 3:15–18

Mufananidzo
varume vatatu uye ngirozi mumoto

Mambo akashatirirwa zvikuru naShadraki, Meshaki, naAbedi‑nego. Akaita kuti vakandwe mubisiro remoto. Asi apo mambo paakatarisa mubisiro, akashamisika kuona munhu wokudenga ari mumoto nevarume vatatu ava. Havana kukuvadzwa nemoto.

Danieri 3:19–25

Mufananidzo
varume vatatu vanobuda mumoto.

Mambo vakadaidza Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego, vakabuda mubisiro. Moto hauna kuvakuvadza kana kunyangwe kupisa mbatya dzavo

Danieri 3:26–27

Mufananidzo
Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego vachitaura namambo

Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego vakateerera mirairo yaMwari, kunyangwe apo upenyu hwavo pahwaiva munjodzi. Muenzaniso wavo wakabatsira mambo kutenda muna Mwari.

Danieri 3:28–29