Scripture Stories
Mosesi neNyoka yeNdarira


“Mosesi neNyoka yeNdarira,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Mosesi neNyoka yeNdarira,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Numeri 21

Mosesi neNyoka yeNdarira

Kudzidza kuva nerutendo muna Ishe

Mufananidzo
nyoka dzichiruma vanhu

Apo vaIsraeri pavaifamba murenje, kazhinji vaikanganwa Ishe uye vonyunyuta. Ishe vakatumira nyoka kuvabatsira kuti vazvininipise uye kuti vaVarangarire. Nyoka dzakaruma vanhu, uye vakawanda vavanhu vakafa.

Numeri 21:1–6

Mufananidzo
vanhu vachiteterera Mosesi

Nenguva diki vanhu vakatendeuka. Vakakumbira Mosesi kuti anamate kuti Ishe vazoita kuti nyoka dzibve. Ishe havana kubvisa nyoka. Asi Vakaita nzira yokuti vanhu vaponeswe kana vachinge varumwa.

Numeri 21:7

Mufananidzo
Mosesi akabata nyoka yendarira

Ishe vakaudza Mosesi kuti agadzire nyoka yendarira uye kuti aiturike padanda. Apo vanhu pavainge varumwa uye vakatarisa panyoka yendarira, Ishe vaivaponesa. Ishe vakabatsira vaIsraeri kuti vazvininipise uye vavimbe maVari.

Numeri 21:8–9; 1 Nifai 17:41; Hiramani 8:14–15