Scripture Stories
Enoki Muporofita


“Enoki Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Enoki Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 5; Mosesi 6–7

Enoki Muporofita

Maponeserwo akaitwa guta nerutendo muna Ishe

Mufananidzo
Mwari vachitaura kuna Enoki

Ishe Jesu Kristu vakakumbira Enoki kuti ataurire vanhu kuti vatendeuke. Asi Enoki akafunga kuti akanga asingakwanisi kutaura zvakanaka. Aitya kuti vanhu havaizomuteerera.

Genesi 5:22; Mosesi 6:26–31

Mufananidzo
vanhu vachinyomba Enoki

Ishe vakavimbisa kusimbisa nekudzivirira Enoki kunyangwe zvazvo vamwe vanhu vakanga vasingade zvaidzidziswa naEnoki.

Mosesi 6:32–39

Mufananidzo
Enoki achidzidzisa vanhu

Vimbiso yaIshe yakapa Enoki ushingi. Enoki akateerera Ishe uye akadzidzisa vanhu nesimba. Akadzidzisa pamusoro paJesu Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo, uye neMweya Mutsvene. Vamwe vanhu vakatenda dzidziso dzaEnoki uye vaida kutevera Ishe.

Mosesi 6:47–68

Mufananidzo
Enoki achibhabhatidza mudzimai

Enoki akanga aine mvumo kubva kuna Mwari yekubhabhatidza. Vanhu vose vakatenda dzidziso dzaEnoki vakabhabhatidzwa uye vakaswedera padyo naIshe. Hapana aiva murombo nokuda kwokuti vaichengetana. Vakadaidzwa kuti Zioni nokuda kwokuti vaigara pamwechete murudo nemuururami.

Mosesi 7:10–20

Mufananidzo
upenyu, rufu, uye kumuka kuvakafa kwaJesu

Rimwe zuva Ishe vakaratidza Enoki chiratidzo chezvose zvaizoitika panyika. Enoki akaona upenyu, rufu, uye Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu. Enoki akadzidza kuti mumazuva ekupedzisira vhangeri raizodzorerwa. Akaonawo Kuuya kweChipiri kwaJesu.

Mosesi 7:21–67

Mufananidzo
Mwari vachitaura nevanhu veZioni

Pakupedzisira, vanhu vose muguta reZioni vakatenda dzidziso dzaEnoki uye vakatendeuka. Nokuda kwokuti vaichengetana uye vaigara murunyararo, Ishe vakavatora kuti vagare Navo.

Genesi 5:24; Mosesi 7:18, 21, 68–69