Scripture Stories
Joseph uye Nzara


“Josefa uye Nzara,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Josefa uye Nzara,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 42–46

Joseph uye Nzara

Mukana wemununʼuna wekubatanidza mhuri yake.

Mufananidzo
Jakobo achituma vanakomana vake kuEgipita

Mhuri yaJakobo yaiva inenzara nokuda kwenguva yenzara. Zvino Jakobo akatuma vanakomana vake kuEgipita kuti vanotenga zvokudya. Akachengeta mwanakomana wake mudukusa, Benjamini, ari kumba. Aiva achitya kurasikirwa naBenjamini sekurasikirwa kwaakanga aitwa nemwanakomana wake Josefa makore mazhinji akanga apfuura. Akanga asingazive kuti vanakomana vake vakurusa vakanga vakatengesa Josefa senhapwa.

Genesi 42:1–4

Mufananidzo
madzikoma achikumbira Josefa zvokudya

Panguva ino, Josefa aiva ari mutungamiriri mukuru muEgipita. Aiva achitungamirira kutengeswa kwezvokudya panguva yenzara. Madzikoma akasangana naJosefa uye akamukumbira zvokudya. Havana kumuziva.

Genesi 42:5–8

Mufananidzo
Josefa achitaura

Josefa akavaziva, asi akanyepedzera kusavaziva. Akabvunza pamusoro pemhuri yavo kuti aone kana baba vake nemununʼuna wake Benjamini vaiva vari vapenyu.

Genesi 42:10–14

Mufananidzo
madzikoma vachibva nezvokudya

Zvino Josefa akapa madzikoma ake zvokudya. Akavaudza kuti vasazodzoka kuzotsvaga zvimwe zvokudya kunze kwekunge vauya vaine munun’una wavo mudukusa, Benjamini.

Genesi 42:15–20

Mufananidzo
madzikoma achidzokera kuEgipita

Apo mhuri payakapererwa nezvokudya zvakare, Jakobo akaziva kuti aifanira kutuma Benjamini nevamwe vanakomana vake kudzokera kuEgipita. Jakobo aiva achirikutya pamusoro pekurega Benjamini achienda. Asi Juda, umwe wemadzikoma, akavimbisa kuti aizochegeta Benjamini akadzivirirwa.

Genesi 43:1–15

Mufananidzo
Josefa achipomera mhosva madzikoma ake yekuba mukombe wesirivha

Apo madzikoma acho paakadzokera kuEgipita, Josefa akaita kuti zvitaridzike sekunge Benjamini aiva aba mukombe wesirivha. Aida kuona kana madzikoma ake akanga ashanduka. Juda akateterera kuna Josefa kuti asaranga Benjamini asi kuti arange Juda panzvimbo pake.

Genesi 44

Mufananidzo
Josefa achiratidza kuti aiva ani

Josefa akafara kuona kuti madzikoma ake akanga ashanduka. Aida Benjamini zvakakwana kumudzivirira. Naizvozvo, pakupedzisira, Josefa akavaudza kuti aiva ani.

Genesi 42:21–24; 45:1–4

Mufananidzo
Josefa achimbundira madzikoma ake

Josefa akaregerera madzikoma ake pamusoro pokumutengesa kuti ave nhapwa. Josefa akati yaive nzira yaIshe yekubatsira mhuri yavo kuti vapone panguva yenzara.

Genesi 45:5–8

Mufananidzo
madzikoma achimhanyira kuna Jakobo

Madzikoma aJosefa akadzokera kuna baba vavo, Jakobo, uye akavaudza zvose zvakanga zvaitika. Jakobo akatamisa mhuri yake yose kuenda kuEgipita.

Genesi 45:24–28; 46:1–26

Mufananidzo
Josefa naJakobo muEgipita, Farao akatarisa

Farao akatambira mhuri yaJakobo. Akavapa nyika uye nemhuka kuitira kuti vakwanise kuzova nezvokudya zvakawanda. Mhuri yaJakobo yakagara murunyararo kwenguva yakareba.

Genesi 45:16–23