Scripture Stories
Jobo


“Jobo,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2021)

“Jobo,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Jobo 1–3; 19; 38–42

Jobo

Kuvimba nerudo rwaIshe

Mufananidzo
Jobo nemhuri vachidya zvokudya zvamanheru

Jobo aiva murume akanaka uyo aida Ishe uye aichengeta mirairo Yavo. Iye nemudzimai wake vakanga vaine vana gumi, uye akanga aine matanga emhuka mazhinji uye neupfumi hwakawanda zvikuru.

Jobo 1:1–5

Mufananidzo
Jobo akatarisa dutu

Ishe vakabvumira kuti rutendo rwaJobo rwuedzwe. Jobo akasangana nezvinhu zvakaoma.

Jobo 1:6–12

Mufananidzo
Imba yaJobo ichitsva

Rimwe zuva mhuka zhinji dzaJobo dzakabiwa. Pashure moto wakapisa pfuma yaJobo yose uye ukauraya vashandi vake vose nedzimwe mhuka dzake. Zvino dutu rakapunzira pasi imba yaJobo. Vana vaJobo vaiva mukati, uye vose vakafa. Jobo nemudzimai wake vakanga vasisina kana chinhu chakasara kunze kwehutano hwavo.

Jobo 1:13–19

Mufananidzo
Jobo nemudzimai wake vachinamata

Jobo nemudzimai wake vakasuwa. Vakarasikirwa nezvinhu zvose, kunyangwe vana vavo. Asi Jobo aiva achine rutendo muna Ishe. Haana kupa mhosva Ishe nokuda kweizvo zvaiva zvaitika.

Jobo 1:20–22

Mufananidzo
Mudzimai waJobo achipa zvokudya kuna Jobo anorwara

Zvino Jobo akarwara zvikuru. Maronda anorwadza akafukidza muviri wake. Jobo nemudzimai wake vakanetsekana kuti sei zvinhu zvose zvakaipa izvi zvaiitika.

Jobo 2:7–9; 3:1–11

Mufananidzo
Jesu achiratidza Jobo nyika nedenga

Ishe vakataura naJobo vakamuratidza panyika, nyenyedzi, uye nezvinhu zvose zvipenyu. Ishe vakadzidzisa Jobo chidzidzo chakakosha. Zvinhu zvose zvaiva zvakasikwa kubatsira vana vaBaba Vokudenga kudzidza pamusoro peMwanakomana Wavo Jesu Kristu uye nekuMutevera.

Jobo 38–41

Mufananidzo
Jobo nemhuri

Jobo akatendeuka uye akakumbira Ishe kuti vamuregerere nekusava nechokwadi kwake. Akavimbisa kuvimba naIshe. Ishe vakaziva kuti Jobo aiVada. Vakaporesa Jobo uye vakamuropafadza navamwe vana vakawanda uye neupfumi hwakapetwa kaviri kupfuura hwaakanga ainahwo kare.

Jobo 19:25–26; 42