Scripture Stories
Eria Muporofita


“Eria Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Eria Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

1 Madzimambo 16–18

Eria Muporofita

Rutendo rwaamai uye zvishamiso zvaIshe

Mufananidzo
Eria achitaura naMambo Ahabi naMambokadzi Jezeberi

Nyika yeIsraeri yakanga isina mvura inonaya, uye mvura yaiva yodakupera munyika. Mambo Ahabi naMambokadzi Jezeberi vakanga vasingade vaporofita vaIshe. Vakatoita kuti vamwe vevaporofita vaurayiwe. Mambo namambokadzi vakanamata kuzvifananidzo kuti mvura inaye. Asi muporofita Eria akavataurira kuti Ishe havaizotumira mvura inonaya kwemakore.

1 Madzimambo 16:29–33; 17:1; 18:13

Mufananidzo
Eria akahwanda kubva kumasoja

Mambo namambokadzi vakatsamwira Eria. Ishe vakayambira Eria kuti ahwande nekuti upenyu hwake hwaiva munjodzi.

1 Madzimambo 17:2–3

Mufananidzo
Eria akapfugama murukova

Ishe vakatungamirira Eria kurukova uye vakatumira shiri kuti dzimuunzire zvokudya. Asi nokuda kwekuti kwaiva kusina mvura inonaya, rukova rwakapwa, uye Eria akanga asisina mvura.

1 Madzimambo 17: 4–7

Mufananidzo
Eria achitaura nemudzimai

Ishe vakatungamirira Eria kumudzimai aiva muguta riri kure. Eria akamukumbira mvura nechingwa. Asi akanga aine zvakakwanirana naiye nemwanakomana wake chete kwezuva rimwechete.

1 Madzimambo 17: 8–12

Mufananidzo
Eria achitaura nemudzimai

Eria aiziva kuti ndizvo zvaiva zvokudya zvake zvokupedzisira. Akavimbisa kuti kana akamupa zvokudya, Ishe vaizopa zvokudya zvemhuri yake kusvikira mvura inonaya yadzoka.

1 Madzimambo 17:13–14

Mufananidzo
Eria, mudzimai, uye nemwana vachidya

Mudzimai uyu akabikira Eria chingwa. Zvino mafuta ake nefurawa zvakawanda kakapetwa! Pakanga pava nezvokudya zvaikwanirana naEria uye nemhuri yemudzimai uyu kwemazuva mazhinji.

1 Madzimambo 17:15–16

Mufananidzo
mudzimai achichema mwana afa

Rimwe zuva mwanakomana wemudzimai uyu akarwara uye akafa. Akabvunza Eria kuti sei Ishe vaizobvumira kuti izvi zviitike kwaari.

1 Madzimambo 17:17–20

Mufananidzo
mudzimai achimbundira mwana

Eria akanga aine hupirisita. Akaropafadza mwanakomana wemudzima uyu uye akakumbira Ishe kuti vamubvumire kuti adzoke kuupenyu. Mwana akafema zvakare, uye mudzimai akaziva kuti Eria aiva muporofita waIshe.

1 Madzimambo 17:21–24