Scripture Stories
Matambudziko eEgipita


“Matambudziko eEgipita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Matambudziko eEgipita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Eksodo 4–5; 7–12

Matambudziko eEgipita

Sarudzo dzaFarao dzaipikisa Ishe

Mufananidzo
Mosesi naAroni vachitaura naFarao

Mosesi akavimba naIshe uye akadzokera kuEgipita. Mosesi nemukoma wake Aroni vakaenda kuna Farao uye vakamukumbira kuti abvumire kuti vaIsraeri vasununguke uye vabude muEgipita. Farao akatsamwa uye akaramba. Akamanikidza vaIsraeri kushanda zvakanyanya kuoma.

Eksodo 4:10–16; 5:1–18

Mufananidzo
rwizi rwuchishanduka kuita ropa

Nokuda kwokuti Farao haana kuteerera kuna Ishe, vaEgipita vakatukwa nematambudziko anotyisa. Kutanga, mvura yose yemuEgipita yakashanduka kuita ropa. Mosesi akakumbira zvakare Farao kuti abvumire vaIsraeri vaende, asi Farao akati kwete.

Eksodo 7:14–25

Mufananidzo
Matatya achisvetukira pavaEgipita

Zvino, Ishe vakatumira matacha kuEgipita. Akanga ari kwose kwose. Farao akati aizorega vaIsraeri vachienda kana matacha akaenda. Ishe vakaita kuti matacha aende, asi Farao haana kubvumira vaIsraeri kuenda. Zvino Ishe vakatumira inda nenhunzi.

Eksodo 8:1–32

Mufananidzo
VaEgipita nemhuka dzakafa

Zvino, zvipfuyo zvose zvevaEgipita zvakafa, asi hapana mhuka yevaIsraeri yakafa. Zvino vaEgipita vakaita maronda anorwadza pamiviri yavo.

Eksodo 9:3–12

Mufananidzo
chimvuramabwe nedutu remoto zvichiparadza Egipita

Dutu guru rine chimvuramabwe nemoto zvakauyawo kuEgipita. Izvi zvakakonzera ruparadzo rwunotyisa.

Eksodo 9:22–35

Mufananidzo
mhashu dzinodya zvirimwa

Farao zvakadaro haana kubvumira vaIsraeri kuenda. Zvino Ishe vakatumira mhashu, dzikadya zvokudya zvavanhu zvose.

Eksodo 10:12–20

Mufananidzo
Farao

Zvino kwakava nemazuva matatu erima. Panguva yematambudziko mazhinji acho, Farao akavimbisa kubvumira vaIsraeri kuenda kana matambudziko akamira, asi ainyepa nguva dzose.

Eksodo 10:21–23, 27

Mufananidzo
Mosesi nemhuri

Mushure mematambudziko mapfumbamwe akasiyana, Farao zvakadaro haana kubvumira vaIsraeri kuenda. Ishe vakataurira Mosesi kuti rimwe dambudziko rinotyisa raizouya. Ishe vakatungamirira uye vakadzivirira vaIsraeri apo pavaimirira rusununguko rwavo.

Eksodo 11:4–7; 12:1–13