Scripture Stories
Adama naEva


“Adama naEva,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Adama naEva,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Genesi 2–3; Mosesi 3–5; Abrahama 5

Adama naEva

Kuwana ruzivo kuburikidza nekuita sarudzo

Mufananidzo
Adama naEva vaine mhuka

Adama naEva ndivo vaiva vekutanga vevana vaBaba Vokudenga kugara panyika. Vaigara muBindu reEdeni rakanaka, vakakomberedzwa nemarudzi ose ezvirimwa nemiti. Mwari Baba vedu Vokudenga naIshe Jesu Kristu vakavashanyira uye vakataura navo.

Genesi 2:8–9; 3:8; Mosesi 3:8­–9; Abrahama 5:8, 14–19

Mufananidzo
muti weruzivo rwezvakanaka nezvakaipa

Mwari vakavabvumira kudya michero yemiti yose kunze kwemumwechete. Kana vakadya kubva mumuti weruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, vaizofanira kubuda mubindu iri uye pekupedzisira vaizofa. Satani akanyepa kuna Adama naEva. Satani akati kana vakadya muchero uyu, vaizoziva zvakanaka nezvakaipa asi havaizofa.

Genesi 2:16–17; 3:1–5; Mosesi 3:9; 4:6–11; Abrahama 5:9, 12–13

Mufananidzo
Eva achitanha muchero

Eva akasarudza kudya muchero wacho.

Genesi 3: 5–6; Mosesi 4:12

Mufananidzo
maoko akabata muchero

Eva akapa Adama mumwe wemuchero. Iyewo akasarudza kuudya.

Genesi 3: 6–7; Mosesi 4:12

Mufananidzo
Adama naEva vakahwanda kubva kuna Mwari naJesu

Mwari naIshe vakavashanyira, asi Adama naEva vakatya uye vakahwanda. Mwari vakabvunza kana vakanga vadya muchero wemuti weruzivo rwezvakanaka nezvakaipa.

Genesi 3:8–13; Mosesi 4:13–14

Mufananidzo
Adama naEva vachibuda muBindu reEdeni

Adama naEva vakaudza Mwari kuti vakasarudza kudya muchero. Nekuda kwesarudzo yavo, vaifanira kubuda muBindu reEdeni. Vakaparadzaniswa kubva kuna Mwari, asi Vakanga vaine zvavakavarongera. Zvino vaiva voziva chakarurama kubva kune chisakarurama uye vaiva vokwanisa kuva nevana.

Genesi 3: 16–24; Mosesi 4:15–31

Mufananidzo
Mhuri yaAdama naEva vakatarisa kumoto

Adama naEva vakavimbisa kuteerera mirairo yose yaMwari. Vakadzidziswa kuita zvibayiro zvemhuka. Apo pavaiteerera, vakadzidza zvakawanda pamusoro peMwanakomana waMwari Jesu Kristu. Vose vakanzwa mufaro mukuru nokuti Aizobatsira mhuri yavo kudzokera kuna Mwari.

Genesis 3:23; Mosesi 5:1–12