Scripture Stories
Mosesi Muporofita


“Mosesi Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)

“Mosesi Muporofita,” Nyaya dzeTestamente Yekare

Eksodo 2–3

Mosesi Muporofita

Akadaidzwa kusunungura vanhu vaIshe

Mufananidzo
MuEgipita achirova muIsraeri

Mosesi akakura semwanakomana wemwanasikana waFarao. Mosesi akaona kuti vaEgipita vaiva nehutsinye kuvaIsraeri. Akasuwa kuti vaEgipita vakaita vaIsraeri nhapwa dzavo.

Eksodo 2:10–11

Mufananidzo
Mosesi achidzivirira muIsraeri

Rimwe zuva Mosesi akaona muEgipita achirova muIsraeri. Kuti adzivirire muIsraeri, Mosesi akauraya muEgipita.

Eksodo 2:11–14

Mufananidzo
Mosesi ari murenje

Apo Farao paakazviziva, akada kuuraya Mosesi, asi Mosesi akatiza kubva muEgipita.

Eksodo 2:15

Mufananidzo
Mosesi nemhuri

Mosesi akasvika kunzvimbo yainzi Midiani, uko kwaakasangana nemudzimai ainzi Zipora. Vakachata uye vakaita vana.

Eksodo 2:21–22

Mufananidzo
Moses akatarisa pagwenzi ririkubvira

Apo paaigara muMidiani, Moses akaona gwenzi raiva richibvira, asi moto hauna kupisa gwenzi. Ishe vakazviratidza mumoto uye vakataura naMosesi.

Eksodo 3:1–6

Mufananidzo
Jesu achitaura naMosesi

Ishe vakati Vaiziva kuti vaIsraeri vaitambudzika muEgipita. Vakaraira Mosesi kuti adzokere kuEgipita uye anotaurira Farao kuti abvumire vaIsraeri kuti vasununguke. Ishe vakati Vaizobatsira Mosesi kusunungura vaIsraeri uye nekuvatungamirira kuenda kunyika yechipikirwa.

Eksodo 3:7–18