Scripture Stories
Chitsauko1 Mawaniro Atakaita Bhuku raMormoni.


Chitsauko 1

Mawaniro Atakaita Bhuku raMormoni

Mufananidzo
Joseph akatarisa chechi

Apo Joseph Smith paaiva nemakore gumi nemana, machechi mazhinji akanga achizviti ndiwo aiva echokwadi, uye akashaya kuziva kuti opinda ipi.

Mufananidzo
Joseph achiverenga Bhaibheri

Rimwe zuva Joseph akaverenga Jakobo 1:5 muBhaibheri: “Zvino kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera, ngaakumbire kuna Mwari.” Joseph aida kuziva kuti ndeipi chechi yaiva yechokwadi, saka akasarudza kubvunza Mwari.

Mufananidzo
Joseph ari musango

Pamangwanani epfumvudza Joseph akaenda musango padyo nekumba kwavo kunonamata.

Mufananidzo
Joseph achinamata

Apo paakapfugama pasi uye akatanga kunamata, Satani akaedza kumumisa. Joseph akanamata zvakasimbisisa, achikumbira Baba Vekudenga rubatsiro.

Mufananidzo
Baba Vekudenga naJesu

Baba Vekudenga naJesu Kristu vakauya kuna Joseph mumurazvu wechiedza. Baba Vekudenga vakanongedza kuna Jesu vakati: “Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!”

Mufananidzo
Jesu

Joseph akabvunza kuti ndeipi chechi yaaifanira kupinda. Jesu akamutaurira kuti asapinde ipi zvayo yadzo nokuti dzose dzakanga dzisiri dzechokwadi.

Mufananidzo
vanhu vachiseka Joseph

Apo Joseph paakataurira vamwe vanhu izvo zvaakanga aona nekunzwa, vakamuseka. Vatungamiri vemachechi mazhinji emunzvimbo mavaigara vakamutambudza.

Mufananidzo
Joseph achinamata

Makore matatu akapfuura. Umwe usiku Joseph akanga achinamata kuti aregererwe zvivi zvake uye kuti azive izvo zvaaifanira kuita.

Mufananidzo
Moroni achizviratidza kuna Joseph

Ngirozi inonzi Moronai yakazviratidza uye ikataurira Joseph nezve bhuku rakanga rakanyorwa pamahwendefa egoridhe. Joseph aifanira kududzira mahwendefa aya muChirungu.

Mufananidzo
Joseph ari mumubhedha

Mushure mekunge Moronai aenda, Joseph akafunga pamusoro pezvakanga zvataurwa naMoronai. Moronai akadzokazve kamwe kaviri usiku ihwohwo.

Mufananidzo
Joseph achisumudza ibwe

Zuva rakatevera Joseph akaenda pamusoro peChikomo Kumora, icho chaakanga aona muchiratidzo. Ipapo akawana ibwe guru. Akapikinyura ibwe nechimuti.

Mufananidzo
Joseph achitarisa mahwendefa egoridhe

Pasi peibwe paive nebhokisi rematombo. Apo Joseph paakatarisa mukati mebhokisi, akaona mahwendefa egoridhe.

Mufananidzo
Moroni achizviratidza kuna Joseph

Moronai akazviratidza akataurira Joseph kuti asatore mahwendefa asi kuti adzoke pazuva rimwechetero gore rega rega kwemakore mana. Panguva yega yega Joseph yaaienda, Moronai aimudzidzisa.

Mufananidzo
Moroni achizviratidza kuna Joseph

Mushure memakore mana Joseph akazobvumirwa kuti atore mahwendefa egoridhe. Akashandisa Urimi neTumimi kududzira mamwe acho.

Mufananidzo
Joseph aine munyori

Vanyori vakabatsira Joseph nekunyora mazwi apo paaiadudzira kubva pamahwendefa egoridhe.

Mufananidzo
Joseph aine mudhindi

Joseph akaenda nemazwi akadudzirwa kumudhindi uye akaita kuti aitwe bhuku.

History of the Church 1:71

Mufananidzo
Bhuku raMormoni

Bhuku racho rinonzi Bhuku raMormoni. Rinotaura nezve vanhu vaigara muAmerica makore mazhinji akapfuura. Rinotaurawo nezva Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari.