Scripture Stories
Chitsauko 35: Mutungamiri Moronai naPahorani


Chitsauko 35

Mutungamiri Moronai naPahorani

Mufananidzo
Moronai achiverenga bepa

Mutungamiri Moronai akafara kunzwa kuti Hiramani nemauto ake vakanga vatora zvakare nyika zhinji yemaNifai kubva kumaRamani.

Mufananidzo
varwi vakamira parusvingo

Asi Hiramani nemauto ake vaida rubatsiro. Vakanga vasina masoja akakwana ekudzivirira maguta akawanda kudaro.

Mufananidzo
Mutungamiri Moronai achinyora

Mutungamiri Moronai akanyora tsamba kuna Pahorani, mutongi mukuru uye gavhuna. Akakumbira Pahorani kuti atumire mamwe masoja kuzobatsira mauto aHiramani

Mufananidzo
MaRamani vachirwisa guta

MaRamani vakarwisa guta remaNifai iro Hiramani raakanga atora zvakare. Vakauraya maNifai akawanda uye vakadzinga vamwe vese kubva muguta.

Mufananidzo
Moronai achinyora

Ashatirwa nevatungamiri vehurumende nokuda kwekuti vakanga vasina kutumira rubatsiro, Moronai akanyora imwe tsamba kuna Pahorani.

Mufananidzo
masoja

Mutungamiri Moronai akanyora kuti vanhu vazhinji vakanga vauraiwa nokuda kwekuti Pahorani akanga asina kutumira mamwe masoja.

Mufananidzo
Moronai achinyora

Kana Pahorani akasatumira varume uye zvokudya nekukurumidza, Moronai aizotora mauto ake kuenda kuZarahemura uye wonotora zvinhu zvaidikanwa nemauto ake.

Mufananidzo
Moronai achitambira tsamba

Nenguva diki Moronai akatambira tsamba kubva kuna Pahorani. Akanga akasuwa zvikuru kuti Moronai nemauto ake vakanga vachitambura.

Mufananidzo
Pahorani achinyora tsamba

Pahorani akaudza Moronai kuti boka remaNifai akaipa rainzi varume vamambo rakanga risingadi kuti ave mutongi mukuru. Vakanga vamunanikidza iye nevatsigiri vake kubuda muZarahemura

Mufananidzo
mauto achiungana kunze kweguta

Pahorani akawedzera kuti akanga achiunganidza pamwechete mauto kuti vaedze kutora zvakare Zarahemura.

Mufananidzo
mambo nevarume vake

Varume vamambo vakanga vasarudza mambo kuti ave mutungamiri wavo uye vakanga vabatana nemaRamani.

Mufananidzo
Pahorani achinyora tsamba

Pahorani aiva asina kushatirwa nezvakanga zvanyorwa naMoronai. Aida kuti maNifai vasunungukewo.

Mufananidzo
Moronai achiverenga tsamba

Akakumbira Moronai kuti aunze varume vashoma kuzomubatsira uye akati kana Moronai akaunganidza varume vakawanda munzira yekuenda kwaari, mauto akabatanidzwa iwayo aizokwanisa kutora zvakare Zarahemura.

Mufananidzo
Moronai akabata tsamba

Mutungamiri Moronai akafara kuti Pahorani akanga achakatendeka kunyika yake uye kuti akanga achiri kuda rusununguko rwevanhu vake.

Mufananidzo
Moroni nemasoja

Nevashoma vevarume vake, Moroni akaenda kunosangana naPahorani. Akatakura mureza werusununguko, uye zviuru zvevarume zvakabatana navo nemunzira yokuendako.

Mufananidzo
kurwiwa parusvingo rweguta

Mauto akanga abatanidzwa aMoronai naPahorani akafora kunorwisa Zarahemura. Vakauraya mambo wemaNifai akaipa uye vakatapa varume vake.

Mufananidzo
Moroni nemasoja

Moronai zvino akatumira zvokudya uye masoja zviuru gumi nezviviri kunobatsira mauto echiNifai. Mauto aya akatandanisa maRamani kubva munyika, uye munyika makava nerunyararo zvakare.