Scripture Stories
Chitsauko 45: Jesu Kristu Anodzidzisa pamusoro peSakaramende neMunamato


Chitsauko 45

Jesu Kristu Anodzidzisa pamusoro peSakaramende neMunamato

Mufananidzo
boka revarume vachifamba

Jesu Kristu akatuma vadzidzi vake kuti vatore chingwa newaini. Akaudza maNifai kuti vagare pasi.

Mufananidzo
Jesu achigovera chingwa

Apo vadzidzi pavakadzoka, Muponesi akagura chingwa kuita zvimedu uye akachiropafadza. Akapa chimwe kuvadzidzi vake uye akaita kuti vape chimwe kuvanhu.

Mufananidzo
Jesu achitaura

Jesu akati vanhu vanotora sakaramende vanovimbisa kugara vachimurangarira iye nekuzvipira kwake. Zvino vanotambira Mweya wake.

Mufananidzo
vanhu vachigovera waini

Jesu Kristu akaropafadza waini uye akapa imwe kuvadzidzi vake. Vadzidzi vakapa imwe waini kuvanhu.

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa

Jesu akati avo vanotora sakaramende vanovimbisa kuchengeta mirairo yake.

Mufananidzo
Jesu achitaura kuvadzidzi

Jesu zvakare akaudza vadzidzi vake kuti munhu wose anotora sakaramende uye anogara achimurangarira anozova neMweya wake.

Mufananidzo
Jesu achitaura kuvanhu

Akaudza vadzidzi vake kuti vaizoropafadzwa kana vakachengeta mirairo yake.

Mufananidzo
Jesu achitaura kuvadzidzi

Akavaudza kuti vanamate nguva dzose uye kuti vanamate samaonere avakamuita achinamata.

Mufananidzo
Muponesi achitaura kuvanhu vose

Muponesi akaudza maNifai ose kuti vanamate kuna Baba Vokudenga nemuzita rake. Akavarairawo kuti vanamatire mhuri dzavo.

Mufananidzo
vanhu vachiteerera kuna Kristu

Akati vanhu vanofanira kusangana pamwechete kakawanda. Vanofanira kutambira vamwe kumisangano yavo, kuvanamatira, uye kuva mienzaniso yakanaka kwavari.

Mufananidzo
Jesu achienda kudenga

Muponesi akapa vadzidzi vake simba rokupa Mweya Mutsvene. Zvino gore rakafukidza vanhu zvokuti vadzidzi chete ndivo vakaona Jesu Kristu achikwira kuenda kudenga.