Scripture Stories
Chitsauko 3: Rihai Anobva muJerusarema


Chitsauko 3

Rihai Anobva muJerusarema

Mufananidzo
Chiroto chaRihai cherwendo

Ishe vakafadzwa naRihai uye umwe usiku vakataura naye muchiroto. Vakataurira Rihai kuti atore mhuri yake uye abve muJerusarema. Rihai akateerera Ishe.

Mufananidzo
mhuri iri murenje

Mhuri yaRihai yakarongedza zvekudya nematende. Vakasiya imba yavo uye negoridhe ravo nesirivha yavo vakafamba kuenda murenje.

Mufananidzo
Rihai, Saria, nevanakomana vana

Rihai nemudzimai wake, Saria, vaive nevanakomana vana. Mazita avo ainzi Ramani, Remueri, Semu, naNifai.

Mufananidzo
matende nemhuri

Mushure mekufamba kwemazuva matatu, mhuri yaRihai yakaita musasa munhika padyo nerwizi.

Mufananidzo
Rihai neatari

Rihai akavaka atari nematombo uye akaita mupiro kuna Mwari. Akatenda Mwari nekuchengetedza mhuri yake kubva mukuparadzwa.

Mufananidzo
Rihai, Ramani, naRemueri

Rihai akatumidza rwizi kuti Ramani uye nhika kuti Remueri. Rihai aida kuti vanakomana vake vave serwizi nenhika, kuti varambe vachierera kuenda kuna Mwari uye vakashinga pakuchengeta mirairo.

Mufananidzo
Ramani naRemueri

Ramani naRemueri vakafunga kuti baba vavo vakanga varibenzi kusiya Jerusarema nehupfumi hwavo. Vakanga vasingatende kuti Jerusarema raizoparadzwa.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Nifai aida kunzwisisa zvinhu zvakanga zvaonekwa naRihai. Akanamata kuti azive kana baba vake vakanga vaita chinhu chakanaka nekubva muJerusarema.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Jesu Kristu akashanyira Nifai uye akamuudza kuti mazwi aRihai akanga ari echokwadi. Nifai akatenda uye haana kupanduka sezvakaitwa naRamani naRemueri.

Mufananidzo
Rihai achitaura kuna Semu

Nifai akataurira madzikoma ake izvo zvaakanga ataurirwa naJesu. Semu akatenda zvakataurwa naNifai, asi Ramani naRemueri havana kuzvitenda.

Mufananidzo
Nifai achitaura kumadzikoma

Ishe vakavimbisa Nifai kuti aizoropafadzwa nokuda kwerutendo rwake. Aizova mutungamiri pamusoro pemadzikoma ake.