Scripture Stories
Chitsauko 18: Aruma Mudiki Anotendeuka


Chitsauko 18

Aruma Mudiki Anotendeuka

Mufananidzo
Aruma achigadza vamwe

Mambo Mosaya vakaita kuti Aruma ave mutungamiri weChechi muZarahemura. Aruma zvino akasarudza vamwe varume kuti vamubatsire kudzidzisa maNifai.

Mufananidzo
vatendi vachitambudzwa

Aruma naMambo Mosaya vainetsekana nekuda kwekuti avo vakanga vasingatende vaitambudza nhengo dzeChechi nekuda kwezvitendero zvavo.

Mufananidzo
Aruma Mudiki

Aruma aive nemwanakomana ainzi Aruma. Aruma Mudiki akanga asingatende mudzidziso dzababa vake uye akave murume akaipa.

Mufananidzo
Aruma Mudiki nevanakomana vaMambo Mosaya

Aruma Mudiki nevanakomana vana vaMambo Mosaya vakarwisana neChechi. Vakanyengetedza vanhu vakawanda kuti vabude muChechi uye vave vakaipa.

Mufananidzo
Aruma achinamata

Aruma akanamata kuti mwanakomana wake aizodzidza chokwadi uye agotendeuka.

Mufananidzo
Aruma Mudiki nevanakomana vaMambo Mosaya

Aruma Mudiki nevanakomana vaMambo Mosaya vakaramba vachiedza kuparadza Chechi.

Mufananidzo
ngirozi ichizviratidza kuvarume

Rimwe zuva ngirozi yakazviratidza kwavari. Yakataura nezwi raiva pamusoro iro rakakonzera kuti pasi pazunguzike.

Mufananidzo
vakomana vechidiki vachivhunduswa nengirozi

Vakomana vechidiki vashanu vakavhunduka zvikuru zvokuti vakapunzikira pasi. Pakutanga vakatadza kunzwisisa izvo zvaitaurwa nengirozi.

Mufananidzo
ngirozi ichitaura kunaAruma Mudiki

Ngirozi yainge yauya mumhinduro kuminamato yenhengo dzeChechi. Ngirozi yakabvunza Aruma Mudiki kuti sei akanga achirwisana neChechi.

Mufananidzo
Aruma Mudiki

Pasi pakazunguzika apo ngirozi payakataurira Aruma Mudiki kuti arege kuedza kuparadza Chechi .

Mufananidzo
vakomana vachipunzika pasi

Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya vakawira pasi zvekare. Vakanga vaona ngirozi, uye vakaziva kuti simba raMwari rakanga razungunusa pasi.

Mufananidzo
Aruma Mudiki ari pasi

Aruma Mudiki akashamiswa zvikuru zvokuti akatadza kutaura. Akapera simba , zvekuti akatadza kusimudza kana maoko ake.

Mufananidzo
Aruma Mudiki achitakurwa

Vanakomana vaMosaya vakatakura Aruma Mudiki ndokuenda naye kuna baba vake uye vakavaudza zvose zvakanga zvaitika kwavari.

Mufananidzo
Aruma achinamata

Aruma akafara. Akaziva kuti Mwari vakanga vapindura minamato yake.

Mufananidzo
Aruma Mudiki ari pamubhedha

Aruma akadaidza vanhu vazhinji pamwechete kuti vaone zvakanga zvaitwa naIshe kumwanakomana wake nekuvanakomana vaMosaya.

Mufananidzo
Aruma achiropafadza mwanakomana wake

Aruma, pamwechete nevamwe vatungamiri veChechi vakatsanya nokunamata uye vakakumbira Mwari kuti vabatsire Aruma Mudiki ave akasimba zvakare.

Mufananidzo
Aruma Mudiki achitaura nababa vake

Mushure memazuva maviri neusiku huviri, Aruma Mudiki akanga avakukwanisa kutaura nekufamba.

Mufananidzo
Aruma Mudiki achitaura nevamwe

Akataurira vanhu kuti akanga atendeuka kuzvivi zvake, uye Mwari vakanga vamuregerera.

Mufananidzo
Aruma Mudiki achidzidzisa

Akadzidzisa kuti munhu wose anofanira kuva akarurama kuti apinde muumambo hwaMwari. Akataurawo nezvekurwadziwa kukuru kwaakanga aita nekuda kwezvivi zvake.

Mufananidzo
Aruma Mudiki

Aruma Mudiki akafara nekuti akanga atendeuka uye Mwari vakanga vamuregerera. Aiziva kuti Mwari vaimuda.

Mufananidzo
varume vachidzidzisa

Aruma Mudiki nevanakomana vaMambo Mosaya vakatanga kudzidzisa chokwadi munyika yose, vachitaurira munhu wose zvavakanga vaona nekunzwa.

Mufananidzo
Aruma Mudiki achidzidzisa vanhu

Vakaedza kugadzirisa zvakaipa zvavakanga vaita. Vakatsanangura magwaro matsvene kuvanhu uye vakavadzidzisa pamusoro paJesu Kristu.

Mufananidzo
Aruma Mudiki achibhabhatidza vamwe

Mwari vakakomborera Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya apo pavaidzidzisa vhangeri. Vanhu vazhinji vakavateerera uye vakatenda.