Scripture Stories
Chitsauko 16: Mambo Rimuhai neVanhu Vake Vanopukunyuka


Chitsauko 16

Mambo Rimuhai neVanhu Vake Vanopukunyuka

Mufananidzo
MaRamani achitarisa vanhu mumunda

MaRamani akabata vazhinji vemaNifai vakanga vasina kutiza naMambo Noa. MaRamani akavatora kuenda navo ndokuvapa nyika asi vakavaita kuti vatere mitero inorema.

Mufananidzo
Mambo Rimuhai

MaNifai vakaita kuti Rimuhai ave mambo wavo mutsva. Rimuhai aive mwanakomana waMambo Noa, asi akanga asina kuipa sababa vake. Akanga ari murume akanaka.

Mufananidzo
MaRamani vachirova maNifai neshamhu

Mambo Rimuhai akaedza kuitarunyararo nemaRamani, asi vakaramba vachirinda maNifai uye vachivaitira hutsinye.

Mufananidzo
MaNifai vachibatwa

Rimwe zuva Mambo Rimuhai akona vamwe vabvakure kunze kweguta. Akaita kuti vaiswe mutirongo. Vabvakure ava vaive maNifai vaibva kuZarahemura.

Mufananidzo
Amoni achitaura kuna Rimuhai

Mutungamiri wavo ainzi Amoni. Mambo Rimuhai akafara nekumuona. Akaziva kuti Amoni aikwanisa kubatsira vanhu vake kutiza kubva kumaRamani.

Mufananidzo
Mambo Rimuhai achitaura kuvanhu.

Mambo Rimuhai akadaidza vanhu vavo pamwechete. Akavayeuchidza kuti huipi hwavo ndihwo hwaiva chikonzero chekuva kwavo mukubatwa nemaRamani.

Mufananidzo
Rimuhai achitaura

Akataurira vanhu vake kuti vatendeuke, vavimbe naMwari, uye vateerere mirairo. Zvino Mwari vaizovabatsira kuti vapukunyuke.

Mufananidzo
MaRamani achitaura

MaNifai vakaziva kuti maRamani vairinda guta vaidhakwa usiku.

Mufananidzo
MaNifai achiendesa waini kuvarindi

Usiku ihwoyo mambo Rimuhai akatumira imwe waini yakawanda kuvarindi sechipo.

Mufananidzo
Rimuhai nevanhu vake vachitiza

Mambo Rimuhai nevanhu vake vakakwanisa kufamba vachipfuura nepaiva nevarindi vemaRamani vainge vakadhakwa uye ndokutiza.

Mufananidzo
vanhu vachigashirwa kuZarahemura

Amoni akatungamirira Mambo Rimuhai nevanhu vake nemurenje kuenda kuZarahemura, uko kwavakagashirwa.