Scripture Stories
Chitsauko 10: Jakobho naSheremu


Chitsauko 10

Jakobho naSheremu

Mufananidzo
Nifai achipa mahwendefa kuna Jakobho

Nifai asati afa akapa mahwendefa aakanga anyora paari kumunin’ina wake Jakobho. Jakobho akanga akarurama

Mufananidzo
Jakobho achinyora pamahwendefa

Nifai akataurira Jakobho kuti anyore zvinhu izvo zvaizobatsira vanhu kutenda muna Jesu Kristu.

Mufananidzo
Nifai achiropafadza Jakobho

Nifai akapa Jakobho simba rekuti ave mupirisita muChechi uye kuti adzidzise maNifai shoko raMwari.

Mufananidzo
Jakobho achidzidzisa vanhu

Mushure mekunge Nifai afa maNifai mazhinji akava akaipa. Jakobho akadzidzisa vanhu uye akavataurira kuti vatendeuke pazvinhu zvakaipa zvavakanga vachiita.

Mufananidzo
Sheremu achidzidzisa

Murume akaipa ainzi Sheremu akaenda pakati pemaNifai, achivadzidzisa kuti vasatende muna Jesu Kristu.

Mufananidzo
Sheremu

Sheremu akataurira vanhu kuti kwaisazova naKristu. Vanhu vazhinji vakabvuma zvakataurwa naSheremu.

Mufananidzo
Sheremu achikakavadzana naJakobho

Jakobho akadzidzisa vanhu kuti vatende munaKristu. Sheremu aida kukakavadzana naJakobho uye kumupwisa kuti kwaisazova naKristu.

Mufananidzo
Jakobho naSheremu

Rutendo rwaJakobho munaJesu Kristu haruna kukwanisa kuzungunutswa. Akanga aona ngirozi uye akanga anzwa izwi raIshe. Aiziva kuti Jesu akanga achizouya.

Mufananidzo
Jakobho achipupura kuna Sheremu

Mweya Mutsvene wakanga uina Jakobho apo paaipa uchapupu hwaJesu Kristu kuna Sheremu.

Mufananidzo
Sheremu achikumbira chiratidzo

Sheremu akakumbira kuona chiratidzo. Aida kuti Jakobho aratidze kuti kuna Mwari. Aida kuona chishamiso.

Mufananidzo
Jakobho

Jakobho akaramba kukumbira Mwari chiratidzo. Akati Sheremu aiziva nekare kuti izvo zvakadzidziswa naJakobho zvaiva zvechokwadi.

Mufananidzo
Jakobho naSheremu

Jakobho akati kana Mwari vakarova Sheremu, ndicho chaizova chiratidzo chesimba raMwari.

Mufananidzo
Sheremu achiwira pasi

Sheremu akawira pasi pakarepo. Haana kukwanisa kusimuka kwemazuva mazhinji.

Mufananidzo
Sheremu

Sheremu akarukutika uye akaziva kuti akanga achizofa. Akadaidza vanhu pamwechete.

Mufananidzo
Sheremu achitaura kuvanhu

Akavataurira kuti akanga anyepa. Akati vanofanira kutenda muna Jesu Kristu.

Mufananidzo
Sheremu

Mushure mekunge Sheremu apedza kutaura kuvanhu, akafa. Vanhu vakanzwa simba raMwari, uye vakawira pasi.

Mufananidzo
Jakobho aine vamwe

Vanhu vakatanga kutendeuka uye vachiverenga magwaro matsvene. Vakagara murunyararo nerudo. Jakobho akafara uye akaziva kuti Mwari vakanga vapindura minamato yake.