Scripture Stories
Chitsauko 18: MaZoramu uye neRameumbutomu


Chitsauko 28

MaZoramu neRameumbutomu

Mufananidzo
MaZoramu vachinamata zvifananidzo

MaZoramu vaimbenge vari nhengo dzeChechi yaMwari asi vakanga vave vakaipa uye vachinamata zvifananidzo.

Mufananidzo
Aruma nevamwe vashumiri

MaNifai vaida kudzivirira maZoramu kuti vasabatane nemaRamani, naizvozvo Aruma akaenda navamwe vashumiri kuti vanoparidza shoko raMwari kuma Zoramu.

Mufananidzo
Vashumiri nemaZoramu

Vashumiri ava vakashamiswa uye vakagumbuka nemanamatiro aiitwa nemaZoramu mumachechi avo, ainzi masinagoge.

Mufananidzo
Murume akamira pachinzvimbo chekumirira chakakwirira.

Pakati pechechi, maZoramu akanga akavaka chinzvimbo chokumirira chakakwirira chainzi Rameumbutomu. Paive paine nzvimbo yaikwana munhu mumwechete kuti amire pamusoro pacho.

Mufananidzo
murume nemaoko akatambanudzirwa mumhepo

MaZoramu aipanana mukana wekumira ipapo, vachinanavira kudenga uye nezwi riri pamusoro vachidzokorora munamato mumwechetewo.

Mufananidzo
murume nemaoko akatambanudzirwa mumhepo

Mumunato uyu, maZoramu vaiti Mwari havana muviri wenyama; vaive mweya chete. Vakataurawo kuti hakwaizova naKristu.

Mufananidzo
murume achinamata pamusoro pechinzvimbo chekumirira chakakwirira

MaZoramu vaifunga kuti Mwari vakanga vavasarudza ivo chete kuti vaponeswe muumambo hwekudenga. Uye vakapa kutenda kuti vaive vanhu vavo vaidisiswa.

Mufananidzo
MaZoramu achifamba

Mushure mekunge mumwe nemumwe wemaZoramu anamata, vaienda kumba uye havaizonamate kana kutaura pamusoro paMwari zvakare kwesvondo rose.

Mufananidzo
MaZoramu neupfumi

MaZoramu vapfumi vaida goridhe nesirivha uye vachizvitutumadza pamusoro pehupfumi hwavo hwepanyika. Aruma akasuwa nekuona kuipa kwavakanga vakaita.

Mufananidzo
Aruma achinamata

Aruma akazvinamatira iye nevashumiri vake kuti vave nesimba, nyaradzo, uye nebudiriro mubasa ravo.

Mufananidzo
vashumiri vachinamata

Mushure mekukumbira rubatsiro rwekuti vadzose maZoramu kuchokwadi, Aruma nevamwe vashumiri vakazadzwa neMweya Mutsvene.

Mufananidzo
Vvashumiri vachiwana zvekudya

Vashumiri zvino vakaenda nemunzira dzakasiyana kundoparidza. Mwari vakavaropafadza nezvekudya uye nezvekupfeka uye vakavasimbisa mubasa ravo.

Mufananidzo
mushumiri achidzidzisa vanhu varombo

MaZoramu vaive vari varombo vakanga vasingabvumirwi mukati memachechi. Vanhu ava vakatanga kuteerera kuvashumiri.

Mufananidzo
Aruma achiparidza

Vazhinji vakabvunza Aruma kuti vaifanira kuita sei. Aruma akavataurira kuti vakanga vasingafanire kuva vari mukati mechechi kuti vanamate kana kushumira Mwari.

Mufananidzo
Amureki achidzidzisa vanhu

Akavataurira kuti vave nerutendo muna Mwari. Zvino Amureki akavadzidzisa pamusoro paJesu Kristu uye pamusoro pechirongwa chaMwari chevana vavo.

Mufananidzo
vatendi vachibva muguta

Vashumiri vakaenda, uye maZoramu akanga atenda mavari akaburitswa muguta. Vatendi vakaenda kunogara munyika yeJeshoni nevanhu vaAmoni.

Mufananidzo
Vanhu vachitarisa vamwe vachibva

Kunyange maZoramu akaipa akatyisidzira vanhu vaAmoni, vanhu vaAmoni vakabatsira maZoramu akarurama vakavapa zvekudya, zvekupfeka uye nyika.