Scripture Stories
Chitsauko 11: Enosi


Chitsauko 11

Enosi

Mufananidzo
Jakobho achipa Enosi mahwendefa

Enosi akanga ari mwanakomana waJakobho. Akachengeta mahwendefa acho uye akanyora paari mushure mekufa kwababa vake.

Mufananidzo
Enosi achivhima

Rimwe zuva Enosi akanga achivhima musango. Akafunga pamusoro pedzidziso dzababa vake uye aida kuregererwa zvivi zvake.

Mufananidzo
Enosi achinamata

Enosi akapfugama uye akanamata kuna Mwari. Akanamata zuva rose uye akanga achiri kunamata apo usiku pahwakasvika.

Mufananidzo
Enosi achinamata

Mwari Vakataurira Enosi kuti nokuda kwerutendo rwake muna Jesu Kristu, zvivi zvake zvakaregererwa.

Mufananidzo
Enosi achinamata

Enosi zvino aida kuti Ishe varopafadze maNifai. Akavanamatira, uye Ishe vakati vaizovaropafadza kana vakateerera mirairo yavo.

Mufananidzo
MaRamani

Enosi aidawo kuti Ishe varopafadze maRamani. Akanamata nerutendo rukuru, uye Ishe vakavimbisa kuita izvo zvavakakumbirwa naEnosi.

Mufananidzo
MaRamani vachirwisa maNifai

Kunyange zvazvo maRamani akarwisa maNifai uye vakaedza kuparadza zvinyorwa zvavo, Enosi akanamata kuti vaizova vanhu vakarurama.

Mufananidzo
Enosi achinamata

Akanamata kuti zvinyorwa zvaakanga achengeta zvaizochengetedzwa. Ishe vakavimbisa kuti nerimwe zuva vaizopa maRamani dzidziso dzaiva pazvinyorwa izvi.

Mufananidzo
Enosi achiparidzira maNifai

Enosi akaparidza kumaNifai. Aida kuti vatende muna Mwari uye vachengete mirairo.

Mufananidzo
MaRamani achishanda

MaNifai vakaedza kudzidzisa vhangeri kumaRamani, asi havana kumboteerera. MaRamani akavenga maNifai.

Mufananidzo
Enosi achinyora

Enosi akapedza upenyu hwake achidzidzisa vanhu pamusoro paJesu nevhangeri. Akashandira Mwari uye aivada mazuva ake ose.