Scripture Stories
Chitsauko 20: Aruma naNeho


Chitsauko 20

Aruma naNeho

Mufananidzo
Aruma Mudiki nevamwe

Mambo Mosaya asati afa, maNifai vakasarudza vatongi kuti vavatungamirire. Aruma Mudiki akave mutongi mukuru wekutanga. Akavewo mutungamiri weChechi.

Mufananidzo
Neho achidzidzisa manyepo

Murume muhombe, akasimba ainzi Neho akatanga kudzidzisa zvemanyepo. Akataura kuti munhu wose aizoponeswa kunyange akanaka kana kuti akaipa. Vanhu vazhinji vakatenda munaNeho

Mufananidzo
Gideoni naNeho

Neho akaparidza achipikisa Chechi yaMwari, asi murume aive akarurama ainzi Gideoni akaidzivirira. Neho akakakavadzana naGideoni, asi Gideoni akataura nemazwi aMwari.

Mufananidzo
Neho achiuraya Gideoni

Neho akashatirwa ndokubva azvuva munondo wake uye akauraya Gideoni.

Mufananidzo
Neho achiendeswa kunaAruma

Neho akaendeswa kuna Aruma kuti atongwe. Neho akazvireverera neushingi.

Mufananidzo
Aruma naNeho

Asi Aruma akataura kuti Neho aive nemhosva nokuti akanga adzidzisa vanhu kuti vave vakaipa uye akanga auraya Gideoni.

Mufananidzo
Aruma

Aruma akati Neho aifanira kurangwa nekuda kwekuuraya kwaakaita Gideoni. Maererano nemutemo, Neho aifanira kufa.

Mufananidzo
Neho achiurawa

Neho akaendeswa kuchikomo chaiva padyo akaurawa. Asati afa akati zvinhu zvose zvaakanga adzidzisa vanhu zvaiva zvisirizvo. Asi vanhu vazhinji vakaramba vachitenda dzidziso dzakaipa dzaNeho.

Mufananidzo
Vanhu vachisekwa

Vanhu ava vaida upfumi uye vaisateerera mirairo yaMwari. Vaiseka nhengo dzeChechi uye vachikakavadzana nekurwa navo.

Mufananidzo
murume nemukadzi vachisveeredzwa

Vanhu vakarurama vakaramba vachiteerera mirairo uye havana kunyunyuta kunyange apo vateveri vaNeho pavaivakuvadza.

Mufananidzo
varume vachigoverana

Nhengo dzeChechi dzaigoverana zvinhu zvose zvavaiva nazvo nevarombo, uye vairiritira vairwara. Vaiteerera mirairo, uye Mwari vakavaropafadza.