Scripture Stories
Chisumo


Chisumo

Kumuverengi

Nyaya dzeBhuku raMormoni idzi dzakanyorerwa iwe kunyanya. Nyaya dzacho dzakatorwa kubva mubhuku rinoera nokuti rakauya kubva kuna Baba Vekudenga. Apo paunoverenga nyaya idzi, yeuka kuti dziri pamusoro pevanhu chaivo vaigara muAmerica kare kare.

Mushure mekunge waverenga nyaya dzacho mubhuku rino, uchazodawo kudziverenga kubva muBhuku raMormoni. Pazasi pemufananidzo wega wega uchaona apo paunokwanisa kuwana nyaya iyoyo muBhuku raMormoni. Ita kuti baba vako, amai vako, mudzidzisi wako, kana shamwari yako vakubatsire.

Kana usingazive zvinoreva izwi, ritsvage muchikamu che “Mazwi eKuziva” chiri kumashure kwebhuku rino. Ruzivo pamusoro pevanhu nenzvimbo zvakataurwa muBhuku raMormoni rwakaiswawo kumashure kwebhuku.

KuVabereki neVadzidzisi

Bhuku rino richakubatsirai kudzidzisa magwaro matsvene. Goverai uchapupu hwenyu hweBhuku raMormoni, uye mukurudzire avo vamunodzidzisa kuti vatsvage uchapupu hwavo pachavo. Kunzwisisa kwavo kuchakura apo pamunovaverengera zvinyorwa zvakazara zvenyaya dzavo dzavanodisisa kubva muBhuku raMormoni pacharo.