Scripture Stories
Chitsauko 26: Vanhu vaAmoni


Chitsauko 26

Vanhu vaAmoni

Mufananidzo
Mosaya achidzidzisa maRamani

Vanakomana vaMosaya vakadzidzisa vhangeri kumaRamani. Zviuru zvamaRamani zvakatendeuka uye zvikabatana neChechi.

Mufananidzo
Vapikisi veMaNifai-Rihai

MaRamani avo vakapinda muChechi vakazvidaidza kuti Vapikisi vemaNifai-Rihai, kana kuti vanhu vaAmoni. Vaive vanhu vakanaka , vachishanda nesimba.

Mufananidzo
MaRamani vachigadzirira kurwa

MaRamani vakanga vasina kutendeuka akashatirirwa vanhu vaAmoni uye ndokugadzirira kuvarwisa.

Mufananidzo
vanhu vaAmoni

Vanhu vaAmoni vaiziva kuti maRamani vakaipa vaizouya kuzovauraya asi vakasarudza kusarwisana navo. Vakanga vatendeuka mune zvekuuraya.

Mufananidzo
vanhu vachicherera zvombo pasi

Vakacherera zvombo zvavo pasi pakadzika muvhu, uye vakavimbisa Mwari kuti havaizombofa vakauraya zvakare.

Mufananidzo
MaRamani vachiuya uye vanhu vachinamata

Apo maRamani vakaipa pavakauya uye vakatanga kuvauraya, ivo vakapfugama pasi uye vakanamata.

Mufananidzo
MaRamani akamira akakomberedza vanhu vaAmoni

Vachiona kuti vanhu vaAmoni havaizorwisana navo vazhinji vamaRamani akaipa vakarega kuvauraya.

Mufananidzo
MaRamani achiisa zvombo pasi

MaRamani akava neurombo kuti vakanga vauraya. Vakakanda pasi zvombo zvavo uye ndokubatana nevanhu vaAmoni. Vakanga vasizarwa zvakare.

Mufananidzo
MaRamani vachiuraya vanhu vaAmoni

MaRamani mazhinji vakauya kuzouraya vanhu vaAmoni. Zvisinei vanhu vaAmoni havana kurwisa maRamani, , uye vazhinji vakaurayiwa.

Mufananidzo
Amoni achinamata

Nekusada kuti vanhu vaaida vaparadzwe, Amoni akanamatira rubatsiro. Ishe vakamutaurira kuti atore vanhu vake vabve munyika imomo.

Mufananidzo
vanhu vaAmoni nemaNifai emuZarahemura

MaNifai muZarahemura akapa Amoni nevanhu vake nyika yeJeshoni uye vakavadzivirira. Vakava shamwari.