Scripture Stories
Chitsauko 33: Varume vaMambo vanopikisana neVarume Vakasungunuka


Chitsauko 33

Varume vaMambo vanopikisina neVarume Vakasungunuka

Mufananidzo
Pahorani achitaura nevamwe

Mamwe maNifai vaida kuti mutongi mukuru, Pahorani, ashandure mimwe yemitemo.

Mufananidzo
vanhu vakashatirwa

Apo Pahorani paakaramba, vanhu vakashatirwa uye vaida kubvisa Pahorani semutongi mukuru. Vaida kuva namambo, kwete vatongi.

Mufananidzo
varume vaviri varikutaurirana

Vainzi varume vamambo, vaitarisira kuti mumwe wavo aizova mambo uye ova nesimba pavanhu.

Mufananidzo
boka revarume varikunamata

MaNifai avo vaida kuti Pahorani arambe ari mutongi mukuru vainzi varume vakasungunuka. Vaida kuva nerusununguko rwekurarama nekunamata sokusarudza kwavo.

Mufananidzo
varume vakamira mumutsetse kuti vaite sarudzo

Vanhu vakaita sarudzo pakati pevarume vakasununguka nevarume vamambo. Vazhinji vavo vakasarudza varume vakasununguka.

Mufananidzo
Mauto echiRamani

Panguva imwecheteyo, Amarakiya aiunganidza boka guru revarwi vechiRamani kuti vanorwisa maNifai.

Mufananidzo
varume vamambo

Apo varume vamambo pavakanzwa kuti maRamani akanga ouya, vakafara uye vakaramba kubatsira kudzivirira nyika yavo.

Mufananidzo
Moronai achiwongorora varume vamambo

Mutungamiri Moronai akashatirirwa varume vamambo nokuti havana kurwa. Akanga ashanda nesimba kuti achengete maNifai vakasununguka.

Mufananidzo
Moronai achitaura nagavhuna

Akakumbira gavhuna simba rekumanikidza varume vamambo kuti varwe nemaRamani kana kuti vaizouraiwa.

Mufananidzo
gavhuna achitaura naMoronai

Apo gavhuna, Pahorani, paakapa Moronai simba iri, Moronai akatungamirira mauto ake kunorwisa varume vamambo.

Mufananidzo
MaNifai neMaRamai vachirwisana

Varume vamambo vazhinji vakauraiwa; vamwe vakaiswa mutirongo. Vamwe vese vakabvuma kubatsira kudzivirira nyika yavo kubva kumaRamani.