Scripture Stories
Chitsauko 39: Nifai Anotambira Simba Guru


Chitsauko 39

Nifai Anotambira Simba Guru

Mufananidzo
Nifai achifunga

Nifai akafamba achienda kumba kwake, achifunga pamusoro pezvaakanga ataridzwa naIshe uye pamusoro pehuipi hwemaNifai. Akanga akasuwa pamusana pehuipi hwavo.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Ishe vakataura kunaNifai vakamurumbidza nekuda kwekuteerera kwake uye nekushanda nesimba kwake achidzidzisa vhangeri.

Mufananidzo
Nifai

Nifai akapuwa simba rekuita chese chese. Ishe vaiziva kuti aizoshandisa simba iri zvakarurama.

Mufananidzo
Nifai achifamba

Ishe vakataurira Nifai kuti ayambire maNifai kuti kana vakasatendeuka, vaizoparadzwa. Nifai akaenda pakarepo kunoyambira vanhu.

Mufananidzo
MaNifai achirwisa Nifai

MaNifai havana kutenda zvaitaurwa naNifai. Vakaedza kumukanda mutirongo, asi simba raMwari rakamudzivirira.

Mufananidzo
Nifai achifamba kuenda

Nifai akataura shoko raMwari kumaNifai ose.

Mufananidzo
vanhu vachirwa

Asi vanhu vakabva vatonyanya kuipa uye vakatanga kurwisana.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Nifai akanamatira nzara, achitarisira kuti kushaikwa kwezvekudya kwaizoninipisa maNifai nekuvabatsira kuti vatendeuke.

Mufananidzo
varume vari panyika yakaoma

Nzara yakauya Kwakanga kusina mvura, saka pasi pakaoma uye zvirimwa hazvina kukwanisa kukura. Vanhu vakaregera kurwa.

Mufananidzo
Mhuri ichinamata

MaNifai vakava nenzara, uye vazhinji vavo vakafa. Avo vakararama vakatanga kuyeuka Ishe uye izvo zvavakanga vadzidziswa naNifai.

Mufananidzo
vanhu vachitaura kuvatongi

Vanhu vakatendeuka kubva muzvivi zvavo uye vakazoteterera vatongi vavo kuti vakumbire Nifai kuti agumise nzara. Vatongi vakaenda kuna Nifai.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Apo Nifai paakaona kuti vanhu vakanga vava vakaninipa uye vakanga vatendeuka, akakumbira Ishe kuti vagumise nzara.

Mufananidzo
vanhu vari mumvura inonaya

Ishe vakapindura munamato waNifai, uye kukatanga kunaya. Nenguva pfupi zvirimwa zvakanga zvava kukura zvakare. Vanhu vakarumbidza Mwari uye vakaziva kuti Nifai akanga ari muporofita mukuru.

Mufananidzo
MaNifai achishanda

MaNifai mazhinji akapinda muChechi. Vakava vapfumi, uye maguta avo akakura. Munyika makanga mune runyararo

Mufananidzo
MaRamani achirwisa maNifai

Zvino mamwe maNifai avo vakanga vabatana nemaRamani vakarwisa maNifai.

Mufananidzo
varwi

MaNifai vakaedza kukunda vavengi vavo, avo vakanga vava makororo aGadhiandoni, asi vakatadza nokuti ivo pachavo vakanga vava vanhu vakaipa zvakare.

Mufananidzo
Nifai akatakura tswanda

Apo maNifai pavainge vakarurama, Ishe aivaropafadza. Apo pavainge vane rudado uye vokanganwa Ishe, aivapa matambudziko kuvabatsira kuti vamuyeuke.