Scripture Stories
Chitsauko 13: Zenifi


Chitsauko 13

Zenifi

Mufananidzo
MaNifai achifamba

Zenifi nechikwata chemaNifai vakasiya misha yavo muZarahemura vakafamba kuenda kunyika yeNifai, uko kwakambogarwa paneimwe nguva nemamwe maNifai.

Mufananidzo
MaNifai achitaura naMambo Ramani

Vakawana maRamani achigaramo. Zenifi nevana vevarume vake vakaenda muguta kunotaura naMambo. Vakakumbira Mambo Ramani kana vaikwanisa kugara munyika make.

Mufananidzo
Mambo Ramani

Mambo Ramani akati vaikwanisa kuva nemaviri emaguta ake. Mambo aida kuti vagare munyika make kuitira kuti agokwanisa kuvaita nhapwa dzake.

Mufananidzo
MaNifai achidyara

Vanhu vaZenifi vakavaka misha uye vakagadzira masvingo akakomberedza maguta avo. Vakadyara marudzi akawanda emhodzi nemichero. Uyewo vaive nematanga ezvipfuyo.

Mufananidzo
MaRamani vachirwisa maNifai

Mambo Ramani akataurira vanhu vake kuti maNifai akanga avakuve nesimba rakawandisa. Nenguva pfupi maRamani mazhinji akaenda kunorwisa maNifai nekuba zvipfuyo nezvirimwa zvavo.

Mufananidzo
MaNifai achitiza

MaNifai akatizira kuguta reNifai. Ikoko Zenifi akapa vanhu uta nemiseve, minondo, nduni, nezvimviimvii. Vakaenda kunorwisa maRamani.

Mufananidzo
MaNifai achinamata

Vasati varwa, maNifai akanamata, achikumbira Mwari rubatsiro. Mwari vakaropafadza maNifai nesimba rakawedzerwa, uye vakakurira maRamani.

Mufananidzo
murindi aine hwai

Mushure mehondo Zenifi akaisa varindi vakakomberedza maguta emaNifai. Aida kudzivirira vanhu vake nezvipfuyo zvavo kubva kumaRamani.

Mufananidzo
madzimai achiruka

MaNifai akagara murunyararo kwemakore mazhinji. Varume vaishanda muminda, uye vakadzi vaikosa shinda vachigadzira mbatya.

Mufananidzo
hondo

Mambo Ramani akafa uye mwanakomana wake akava mambo. Mambo mutsva akatumira mauto ake kunorwisa maNifai.

Mufananidzo
MaNifai achitarisa maRamani

MaNifai zvakare akatambira simba kubva kuna Ishe. Vakauraya maRamani akawanda, uye mamwe ose akatiza.