Scripture Stories
Chitsauko 14: Abhinadhai naMambo Noa


Chitsauko 14

Abhinadhai naMambo Noa

Mufananidzo
Zenifi

Zenifi akanga ari mambo akarurama wechikwata chemaNifai. Paakachembera, mwanakomana wake Noa akava mambo.

Mufananidzo
Noa

Noa akanga asiri mambo akanaka sababa vake. Akanga akaipa uye aiva asingateerere mirairo yaMwari.

Mufananidzo
vanhu vachipa upfumi hwavo kuna Mambo Noa

Akamanikidza vanhu vake kuti vamupe chikamu chezvirimwa, mhuka, goridhe, nesirivha zvavo.

Mufananidzo
Noa akagara patafura yekudya

Mambo Noa aiita izvi nokuti aiva nenungo. Akaita kuti maNifai amupe zvose zvaaida kuti ararame.

Mufananidzo
mapirisita akanaka neakaipa

Akachinjanisa mapirisita akanaka akanga adaidzwa nababa vake neakaipa. Mapirisita akaipa akadzidzisa vanhu kutadza.

Mufananidzo
chigaro chekutonga chemuzinda nevarindi

Mambo Noa akavakisa zvivako zvakanaka zvizhinji, kusanganisira muzinda mukuru waive nechigaro chekutonga. Zvivako zvacho zvakanga zvakashongedzwa negoridhe, sirivha, nezvivezwa zvematanda zvinodhura.

Mufananidzo
Noa

Mambo Noa aida upfumi hwaakatora kubva kuvanhu vake. Iye nemapirisita ake vaipedza nguva yavo vachinwa waini uye vachiita zvakaipa.

Mufananidzo
Abhinadhai achiparidza rutendeuko

Mwari vakatuma muporofita anonzi Abhinadhai kuvanhu vaNoa. Abhinadhai akavayambira kuti kana vakasatendeuka, vaizova nhapwa dzemaRamani.

Mufananidzo
Noa akagara patafura

Apo Mambo Noa paakanzwa izvo zvakanga zvataurwa naAbhinadhai, akashatirwa. Akatuma varume kuti vaunze Abhinadhai kumuzinda kuitira kuti agomuuraya.

Mufananidzo
Abhinadhai achitaura kuna mambo

Abhinadhai akaendeswa kuna mambo. Mambo Noa nemapirisita ake vakamubvunza mibvunzo yakawanda. Vakaedza kumunyengedza kuti ataure chimwe chinhu chisiriicho.

Mufananidzo
Abhinadhai achitaura kuna mambo

Abhinadhai akange asingatye kupindura mibvunzo yavo. Aiziva kuti Mwari vaizomubatsira. Mapirisita akashamiswa nemhinduro dzaAbhinadhai.

Mufananidzo
Mambo Noa akashatirwa

Mambo Noa akashatirwa uye akaraira mapirisita ake kuti auraye Abhinadhai. Abhinadhai akati kana vakamubata, Mwari vaizovauraya.

Mufananidzo
Mweya Mutsvene uchidzivirira Abhinadhai

Mweya Mutsvene wakadzivirira Abhinadhai kuitira kuti agopedza kutaura izvo zvaidiwa naIshe kuti ataure. Chiso chaAbhinadhai chaipenya Mapirisita akatya kumubata.

Mufananidzo
Abhinadhai achitaura

Achitaura nesimba kubva kuna Mwari, Abhinadhai akataurira vanhu nezve huipi hwavo. Akaverenga mirairo yaMwari kwavari.

Mufananidzo
Maria, Josefa, nemucheche Jesu

Akavataurira kuti Jesu Kristu aizozvarwa panyika. Jesu aizoita kuti zvikwanisike kuti vanhu vatendeuke, vamutswe kuvakafa, uye vagogara naMwari.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Abhinadhai akataurira vanhu kuti vatendeuke uye vatende muna Jesu Kristu kana kuti havaizoponeswa.

Mufananidzo
Abhinadhai achitorwa muusungwa

Mambo Noa nevamwe vese kunze kwemumwechete wemapirisita ake vakaramba kubvuma zvaitaurwa naAbhinadhai. Noa akataurira mapirisita ake kuti auraye Abhinadhai. Vakamusunga vakamukanda mutirongo.

Mufananidzo
Aruma achitaura kuna Mambo Noa

Mupirisita mumwechete akabvuma zvaitaurwa naAbhinadhai ainzi Aruma. Akakumbira Mambo Noa kuti arege Abhinadhai aende.

Mufananidzo
Aruma akahwanda

Mambo akashatirirwa Aruma uye akaita kuti adzingirwe kunze. Zvino akatuma varanda vake kuti vamuuraye. Aruma akatiza akanohwanda, uye varanda havana kumbomuwana.

Mufananidzo
Abhinadhai pamberi Noa

Mushure mekupedza mazuva matatu ari mutirongo, Abhinadhai akaunzwa zvakare pamberi paMambo Noa. Mambo akataurira Abhinadhai kuti arambe izvo zvaakanga ataura pamusoro pake nevanhu vake.

Mufananidzo
Mambo Noa akashatirwa

Mambo Noa akataurira Abhinadhai kuti kana akasaramba zvese zvaakanga ataura, aizouraiwa.

Mufananidzo
Abhinadhai achitaura

Abhinadhai aiziva kuti akanga ataura chokwadi. Akazvipira kufa pane kuti arambe izvo Mwari zvavakanga vamutuma kuti ataure.

Mufananidzo
Abhinadhai achipiswa

Mambo Noa akaraira mapirisita ake kuti vauraye Abhinadhai. Vakamusunga, vakamurova nechamboko, uye vakamupisa kusvikira afa. Asati afa, Abhinadhai akati Mambo Noa aizofawo nemoto.

Mufananidzo
MaRamani vachirwisa vanhu vaNoa

Vamwe vemaNifai vaipikisa Mambo Noa uye vakaedza kumuuraya. Mauto echiRamani akauyawo kuzorwisa mambo nevateveri vake.

Mufananidzo
Mambo nevateveri vake vachitiza

Mambo nevateveri vake vakatiza kubva kumaRamani, asi maRamani akavabata uye akatanga kuvauraya. Mambo akataurira varume vake kuti vasiye mhuri dzavo uye varambe vachimhanya.

Mufananidzo
MaRamani achibata vanhu

Vazhinji vevarume havana kubva. Vakabatwa nemaRamani.

Mufananidzo
varume vakashatirirwa Noa

Varume vazhinji vakanga vatiza naMambo Noa vakava neurombo. Vaida kudzokera kuti vanobatsira madzimai nevana vavo nevanhu vavo.

Mufananidzo
Noa aine vamwe varume

Mambo Noa akanga asingade kuti varume ava vadzokere kumhuri dzavo. Akavaraira kuti vagare naye.

Mufananidzo
varume vachipisa Mambo Noa

Varume vakashatirirwa Mambo Noa. Vakamupisa kusvika afa, sezvakanga zvaporofitwa naAbhinadhai. Zvino vakazodzokera kumhuri dzavo.