Scripture Stories
Chistauko 30: Aruma Anoraira Vanakomana Vake


Chitsauko 30

Aruma Anoraira Vanakomana Vake

Mufananidzo
Aruma achitaura kuvanakomana

Aruma akanga asingafare nekuda kwemaipiro akanga aita maNifai. Akataura nemumwe nemumwe wevanakomana vake pamusoro pekurarama zvakarurama.

Mufananidzo
ngirozi naAruma nevanakomana vaMosaya

Aruma akataurira Hiramani, mwanakomana wake mukuru, kuti avimbe naMwari. Akamutaurira pamusoro pengirozi yakanga yatumwa naMwari kuti itaurire Aruma kuti arege kuparadza Chechi.

Mufananidzo
Aruma achitambudzika ari pamubhedha

Kwemazuva matatu Aruma akatambudzika nekuda kwemhosva yake. Zvino akazorangarira dzidziso dzababa vake pamusoro paJesu, uye akaziva kuti zvivi zvake zvaigona kuregererwa.

Mufananidzo
Aruma

Aruma akanamatira ruregerero, uye rufaro rwakatsiva kurwadziwa kwaive mumweya wake. Akaregererwa nekuti aive nerutendo munaJesu Kristu uye akanga atendeuka.

Mufananidzo
Aruma achidzidzisa

Kubvira panguva iyoyo Aruma akanga odzidzisa vamwe vhangeri kuti vagonzwawo rufaro rwumwecheterwo rwaakanga anzwa. Mwari vakanga varopafadza Aruma nekuda kweruvimbo rwake munaMwari.

Mufananidzo
Aruma achipa Hiramani zvinyorwa

Aruma akapa Hiramani zvinyorwa zvinoera uye akamutaurira kuti aenderere mberi nekunyora nhoroondo yevanhu vavo.

Mufananidzo
Aruma achitaura kunaHiramani

Aruma akamutaurira kuti kana akachengetedza mirairo, Mwari vaizomuropafadza uye nekumubatsira kudzivirira zvinyorwa zvacho.

Mufananidzo
Aruma naHiramani

Aruma akataurirawo Hiramani kuti anamate mangwanani nemanheru ega ega uye kuti ataure naMwari pamusoro pezvinhu zvose zvaaiita kuitira kuti Mwari vagobatsira kumutungamirira.

Mufananidzo
Shibhuroni

Aruma akafadzwa nemwanakomana wake Shibhuroni, uyo akanga ari mushumiri akashinga kumaZoramu. Shibhuroni akanga aramba akavimbika kunyange apo pavakamutema nematombo.

Mufananidzo
Aruma naShibhuroni

Aruma akarangaridza Shibhuroni kuti nzira chete yekuponeswa yaiva iri kuburikidza naJesu Kristu. Aruma zvino akakurudzira mwanakomana wake kuti arambe achidzidzisa vhangeri.

Mufananidzo
Koriandoni

Koriandoni mwanakomana waAruma akanga asina kuchengeta mirairo. Akanga ari mushumiri asina kuvimbika apo paaidzidzisa maZoramu.

Mufananidzo
Aruma

Nekuda kwezvakanga zvaitwa naKoriandoni, maZoramu havana kutenda dzidziso dzaAruma.

Mufananidzo
Aruma naKoriandoni

Aruma akataurira Koriandoni kuti vanhu havakwanise kuviga zvivi zvavo kubva kuna Mwari uye kuti Koriandoni aifanira kuti atendeuke.

Mufananidzo
Aruma

Aruma akadzidzisa mwanakomana wake kuti munhu wese achazomutswa kuvakafa asi chete vakarurama ndivo vanozogara naMwari.

Mufananidzo
Aruma naKoriandoni

Hupenyu huno ndiyo nguva yekuti vanhu vatendeuke uye vashandire Mwari, Aruma akadaro.

Mufananidzo
Aruma achipa Koriandoni magwaro matsvene

Achirangaridza Koriandoni kuti akanga akadaidzwa kuti ave mushumiri, Aruma akamutaurira kuti adzokere kumaZoramu uye agodzidzisa vanhu kuti vatendeuke.

Mufananidzo
Aruma nevanakomana vake vachidzidzisa

Aruma nevanakomana vake vakaenderera mberi nokudzidzisa vhangeri. Vakadzidzisa nesimba rehupirisita.