Scripture Stories
Chitsauko 41: Zviratidzo zveKuzvarwa kwaKristu


Chitsauko 41

Zviratidzo zveKuzvarwa kwaKristu

Mufananidzo
Nifai achipa zvinyorwa kumwanakomana wake

Nifai, mwanakomana waHiramani, akapa zvinyorwa zvinoyera uye magwaro matsvene kumwanakomana wake mukurusa, Nifai.

Mufananidzo
vanhu vachitaura

MaNifai akaona zviratidzo nezvishamiso izvo zvakanga zvanzi nevaporofita zvaizoitika Jesu Kristu asati azvarwa.

Mufananidzo
varume vachinyemwerera

Asi mamwe maNifai akati nguva yekuzvarwa kwaJesu yakanga yatopfuura. Vakaseka avo vakanga vachiri kutenda huporofita hwaSamueri muRamani.

Mufananidzo
varume vachiteerera kumurume akwegura

Vanhu vaitenda muna Jesu Kristu uye muvaporofita vakasuwa vachifunga kuti chimwe chinhu chingangodzivirira kuti huporofita huzadzikiswe.

Mufananidzo
mhuri ichitarisa kudenga

Vanhu vakatarisira nerutendo kuusiku hwaizenge hwusina rima, icho chaizova chiratidzo chokuti Jesu Kristu aizozvarwa.

Mufananidzo
varume vachirangana

Avo vakanga vasingatendi muna Jesu Kristu vakasarudza zuva rekuuraya vatendi kana chiratidzo chikasaitika.

Mufananidzo
Nifai

Nifai akasuwa nokuda kweuyipi hweavo vakanga vasingatendi mune Muponesi.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Nifai akanamatira zuva rose vanhu avo vaizourawa.

Mufananidzo
Nifai

Ishe vakanyaradza Nifai uye vakamutaurira kuti kwakanga kusingazosvibi usiku ihwohwo. Jesu aizozvara pazuva raitevera muBetrehema

Mufananidzo
mhuri ichitarisa kudoka kwezuva

Husiku ihwohwo zuva rakadoka, asi kunze hakuna kusviba. Chiratidzo chekuzvarwa kwaJesu Kristu chakanga chauya. Vanhu vakashamiswa.

Mufananidzo
varume vakaipa vari pasi

Avo vakanga varonga kuuraya vatendi vakawira pasi uye vakaratidzika sekunge vakanga vafa.

Mufananidzo
varume vaviri

Vaitya nekuti vakanga vari vanhu vakaipa. Zvino vakaziva kuti Muponesi aizozvarwa uye kuti vaporofita vakanga vataura chokwadi.

Mufananidzo
varwi vari mumunda

Kwakaramba kwakachena usiku hwese. Apo zuva parakabuda magwanani akatevera, vanhu vakaziva kuti Jesu Kristu aizozvarwa zuva iroro. Huporofita hwakanga hwazadzikiswa.

Mufananidzo
varume vachiona nyeredzi itsva

Nyeredzi itsva yakabuda mudenga, sekutaura kwakanga kwaita vaporofita kuti zvichaitika.

Mufananidzo
mudzimai nemurume vachitarisa kudenga

Satani akaedza kuita kuti vanhu vasatenda zviratidzo zvavakanga vaona, asi vazhinji vakatenda.

Mufananidzo
Nifai achibhabhatidza murume

Nifai nevamwe vatungamiri veChechi vakabhabhatidza avo vose vakatenda uye vakatendeuka.

Mufananidzo
vanhu vari muguta

Kwakava nemufaro munyika nokuti manzwi evaporofita akanga azadzikiswa. Jesu Kristu akanga azvarwa.