Scripture Stories
Chitsauko 53: Moronai neDzidziso Dzake


Chitsauko 53

Moronai neDzidziso Dzake

Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa

Mushure mekufa kwaMormoni, Moronai akasara oga. Akapedza zvinyorwa zvaakanga akapihwa nababa vake.

Mufananidzo
Moronai aachiona Joseph Smith

Moronai aiziva kuti nerimwe zuva mahwendefa egoridhe aizobuditswa kubva muvhu.

Mufananidzo
Murume nemukadzi vaine Bhuku raMormoni

Mashoko ari pamahwendefa egoridhe anotaura nezva Jesu Kristu. Anopupura nekudzidzisa vanhu kuti vangararame sei zvakarurama.

Mufananidzo
MaRamani vachibata maNifai.

MaRamani akaipa akauraya maNifai ose akanga asingadi kuramba Jesu Kristu.

Mufananidzo
Moronai achivanda kubva kumaRamani.

Moronai akange asingakwanisi kumbofa akaramba Jesu Kristu. Akatenderera nemunzvimbo, achihwanda kubva kumaRamani.

Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa egoridhe.

Moronai akanyora zvimwe zvakawanda pamahwendefa egoridhe, kunyanya kumaRamani emazuva ekupedzisira.

Mufananidzo
vakomana vechidiki vachiropafadza sakaramende

Akanyora zvinhu zvakakosha zvakawanda, kusanganisira manzwi eminamato yesakaramende.

Mufananidzo
murume achibhabhatidzwa

Moronai akanyora kuti vanhu chete vanokwanisa kubhabhatidzwa ndeavo vanoda kutendeuka kubva muzvivi zvavo voshandira Jesu Kristu.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Moronai aida kuti munhu wose atende muna Jesu Kristu nekumuziva. Akati iye chinhu chose chakanaka chinobva kuna Kistu.

Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa

Moronai akanyora kuti kana vanhu vachida Mwari nekumutevera, vanokwanisa kuva vakarurama.

Mufananidzo
Moronai

Moronai aiziva kuti mushure mekunge afa aizomutswa kuvakafa uye ozogara naBaba Vekudenga naJesu Kristu.