Scripture Stories
Chitsauko 5: Kufamba Murenje


Chitsauko 5

Kufamba Murenje

Mufananidzo
madzikoma nemunin’ina vachifamba mugwenga

Ishe vaida kuti vanakomana vaRihai vave nemadzimai aizodzidzisa vana vavo vhangeri. Vakataurira Rihai kuti atumire vanakomana vake kudzokera kuJerusarema kunotora mhuri yaIshmaeri.

Mufananidzo
Nifai achitaura naIshmairi

Nifai nemadzikoma ake vakadzokera kuJerusarema. Vakataurira Ishmairi izvo zvaidiwa naIshe kuti aite. Ishmairi akatenda kwavari, uye iye nemhuri yake vakaenda nevanakomana vaRihai.

Mufananidzo
Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai

Apo pavakanga vachifamba murenje, Ramani naRemueri nevamwe vemhuri yaIshmaeri vakashatirwa. Vaida kudzokera kuJerusarema.

Mufananidzo
Nifai achitaura kuna Ramani naRemueri

Nifai akayeuchidza Ramani naRemueri zvose zvavakanga vaitirwa naIshe. Akavataurira kuti vave nerutendo rwakakura. Vakashatirirwa Nifai asi havana kudzokera kuJerusarema.

Mufananidzo
murume nemukadzi vari kuchata

Nifai, madzikoma ake, naZoramu pashure vakazoroora vanasikana vaIshmaeri.

Mufananidzo
Rihai akabata Riahona

Ishe vakataurira Rihai kuti aenderere mberi nerwendo rwake. Mangwanani akatevera Rihai akawana chibhora chebhurasi chainzi Riahona kunze kwetende yake. Chainongedzera nzira yekuenda nayo murenje.

Mufananidzo
mhuri ichifamba

Mhuri yaRihai yakaunganidza zvekudya nembeu uye vakarongedza matende avo. Vakafamba nemurenje kwemazuva akawanda, vachitevera kwavairatidzwa neRiahona.

Mufananidzo
vachivhima

Nifai nemadzikoma ake vaishandisa uta nemiseve kuvhima zvekudya apo pavaifamba.

Mufananidzo
uta hwakatyoka

Uta hwaNifai hwesimbi hwakatyoka, uye uta hwemadzikoma ake hwakarasikirwa nesimba rahwo. Madzikoma ake vakange vasisakwanise kuuraya mhuka, saka munhu wese akanga ava nenzara. Ramani naRemueri vakashatirwa.

Mufananidzo
uta hwechitanda

Nifai akagadzira uta hwechitanda uye akabvunza baba vake uko kwekuti anovhima. Rihai akatambira nzira muRiahona. Nifai akatevera nzira yaakapihwa uye akawana dzimwe mhuka.

Mufananidzo
Rihai akabata Riahona

Riahona yaishanda chete apo mhuri yaRihai payainge yakatendeka, yakashinga, uye ichiteerera.

Mufananidzo
Nifai akadzoka nezvekudya

Nifai akadzoka nemhuka dzaakanga awana. Munhu wese akafara kuwana zvekudya. Vakava neurombo kuti vakanga vamboshatirwa, uye vakatenda Mwari nekuvaropafadza kwavakanga vaita.

Mufananidzo
Vanasikana vaIshmaeri

Kufamba kwakanga kusiri nyore. Kazhinji mhuri yaRihai yakanga yakaneta, iine nzara, nenyota. Ishmaeri akafa uye vanasikana vake vakasuwa. Vakatsutsumwa kuna Rihai.

Mufananidzo
Ramani naRemueri

Ramani naRemueri vakatsutsumwawo. Havana kubvuma kuti Ishe vakanga vataura kuna Nifai. Vaida kuuraya Rihai naNifai uye vagodzokera kuJerusarema.

Mufananidzo
Ramani naRemueri

Izwi raIshe rakataura kuna Ramani naRemueri. Rakavataurira kuti vasashatirirwe Rihai naNifai. Ramani naRemueri vakatendeuka.

Mufananidzo
Mhuri yaRihai

Mhuri yaRihai yakaenda mberi nerwendo rwavo rwainetsa. Mwari vakavabatsira uye vakavasimbisa. Vana vakazvarwa. Rihai naSaria vakave nevamwe vanakomana vaviri, vainzi Jakobho naJosefa.

Mufananidzo
mhuri ichifamba

Mushure mekufamba murenje kwemakore masere, mhuri yaRihai yakasvika kumahombekombe kwegungwa. Ipapo vakawana muchero nehuchi. Vakadaidza nzvimbo iyi kuti Bhaundifuru.