Scripture Stories
Chitsauko 47: Jesu Kristu Anoropafadza Vadzidzi Vake


Chitsauko 47

Jesu Kristu Anoropafadza Vadzidzi Vake

Mufananidzo
Jesu ainevadzidzi

Rimwe zuva apo vadzidzi pavaiva pamwechete vachitsanya nokunamata, Jesu Kristu akauya kwavari.

Mufananidzo
Kristu achitaura kuvadzidzi

Vadzidzi vakamubvunza zita ravaifanira kudaidza naro Chechi. Jesu akati inofanira kudaidzwa nezita rake nokuti yakanga iri Chechi yake.

Mufananidzo
Jesu achitaura kuvadzidzi

Jesu akatsanangura kuvadzidzi vake kuti Baba Vokudenga vakanga vamutuma pasi kuzopira upenyu hwake kuvanhu vose.

Mufananidzo
Kristu achitaura navadzidzi

Akati munhu wese anotendeuka, obhabhatidzwa muzita rake, uye oteerera kumirairo yake anozoitwa munhu asina mhosva pamberi paBaba Vekudenga.

Mufananidzo
Kristu achitaura navadzidzi

Muponesi akataurira vadzidzi vake kuti vaite zvinhu zvavakanga vamuona achiita. Akanga amisa muenzaniso kwavari.

Mufananidzo
Kristu achitaura pamusoro pemagwaro matsvene

Akavataurirawo kuti vanyore pasi izvo zvavakanga vaona nekunzwa kuitira kuti vamwe vagokwanisa kuziva pamusoro pazvo.

Mufananidzo
Kristu nevadzidzi

Jesu akabvunza vadzidzi vake zvavaida kubva kwaari. Vapfumbamwe vavo vaida kuva naye mushure mekunge hupenyu hwavo hwepasi hwaguma.

Mufananidzo
Jesu ainevadzidzi

Jesu akavavimbisa kuti apo pavanenge vava nemakore makumi manonwe nemaviri, vaizoenda kwaari kudenga.

Mufananidzo
Jesu nevadzidzi vatatu

Vamwe vadzidzi vatatu vakatya kukumbira zvavaida, asi Jesu aiziva. Vaida kuramba vari panyika nekudzidzisa vhangeri kusvikira Jesu auya zvakare.

Mufananidzo
Muponesi nevadzidzi

Muponesi akavavimbisa kuti havaizotambura nemarwadzo kana nekusuwa uye havaizofa. Vaizodzidzisa vanhu vhangeri kusvikira adzoka.

Mufananidzo
Jesu achienda

Jesu akabata mumwe nemumwe wevadzidzi kusara kwevatatu avo vaizoramba vari panyika. Zvino akabva aenda

Mufananidzo
vadzidzi vatatu vachitorwa kuenda kudenga

Vadzidzi vatatu vakatorwa kuenda kudenga, uko kwavakaona nokunzwa zvinhu zvizhinji zvinoshamisa. Vakanga vava kukwanisa kunyatsonzwisisa zvinhu zvaMwari.

Mufananidzo
vadzidzi vatatu

Miviri yavo yakashandurwa kuitira kuti vasazofa.

Mufananidzo
vadzidzi vachibhabhatidza vamwe

Vadzidzi vatatu vakadzoka panyika uye vakatanga kuparidza nokubhabhatidza.

Mufananidzo
vadzidzi vatatu vari mugomba rakadzika

MaNifai akaipa akakanda vadzidzi vatatu ava mutirongo uye mumakomba akadzika, asi simba raMwari rakavabatsira kupukunyuka.

Mufananidzo
vadzidzi vachisundirwa mubisiro

Apo pavakasundirwa mumabisiro uye mumakomba aiva nemhuka dzemusango, vakadzivirirwawo nesimba raMwari.

Mufananidzo
vadzidzi vachiparidza kuvanhu

Vadzidzi vatatu vakaramba vachiparidza vhangeri raJesu Kristu kumaNifai. Vachiri kuparidza vhangeri rake.