Scripture Stories
Chitsauko: 51 MaJaredhi Anoenda kuNyika yeChipikirwa


Chitsauko 51

MaJaredhi anoenda kuNyika yeChipikirwa.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi negore

Apo maJaredhi paaiva achigara mumisasa pamahombekombe egungwa, mukoma waJaredhi akakanganwa kunamata. Ishe vakauya vari mugore kuzomuudza kuti atendeuke.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achinamata

Mukoma waJaredhi akatendeuka uye akanamata. Ishe vakaregerera mukoma waJaredhi, asi vakati haafanire kutadza zvakare.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achinamata

Ishe vakataurira mukoma waJaredhi kuti avake zvikepe kuti atore vanhu vake aende navo kunyika yechipikirwa.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achitaura naIshe.

Ishe vakataurira mukoma waJaredhi mavakirwo ezvikepe.

Mufananidzo
MaJaredhi vachivaka zvikepe

Zvikepe zvacho zvakagadzirwa nekunamwa zvakasimba zvokuti hapana mvura yaizokwanisa kupinda mukati.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achitaura naIshe.

Mukoma waJaredhi akashushikana nekuti vanhu vaizowana sei mweya wekufema muzvikepe zvavo. Akavhunza Ishe kuti aifanira kuita sei

Mufananidzo
mukoma vaJaredhi achivhara buri .

Ishe vakamutaurira kuti agadzire buri pamusoro nepasi pechikepe choga choga. Buri iroro raikwanisa kuvhurwa kuti mhepo ipinde uye kuvharwa kuti mvura isapinde.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achitaura naIshe.

Mukoma waJaredhi akataurira Ishe kuti zvikepe zvacho zv aive nerima mukati. Ishe vakamuudza kuti afunge nzira yekuva nechiedza mukati mezvikepe .

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achiteerera kuna Ishe

Chiedza chemuzvikepe zvacho chaisakwanisa kubva kumoto kana mafasitera nokuti aizopwanyika.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achigadzira mabwe egirazi

Mukoma waJaredhi akaenda mugomo uye akagadzira mabwe madiki gumi nematanhatu kubva mudombo. Mabwe acho aitaridzika segirazi rakajeka. Akagadzira mabwe maviri erimwe nerimwe rezvikepe zvinomwe izvi.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achikwira gomo

Mukoma waJaredhi akatakura mabwe kuenda pamusoro pegomo. Ipapo akanamata kuna Ishe.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achinamata

Mukoma waJaredhi akakumbira Ishe kuti vabate mabwe kuitira kuti azopa chiedza mukati mezvikepe.

Mufananidzo
Kristu achibata ibwe rimwe nerimwe.

Ishe vakabata ibwe rimwe nerimwe nemunwe wavo

Mufananidzo
mukoma waJaredhi

Nokuti mukoma waJaredhi aive nerutendo rukuru, akaona munwe waIshe. Wairatidzika semunwe wemunhu.

Mufananidzo
Kristu aine mukoma waJaredhi

Zvino Ishe vakazviratidza kumukoma waJaredhi.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Jesu akati avo vanhu vose vanotenda maari vanozova nehupenyu husingaperi.

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa mukoma waJaredhi.

Jesu akadzidzisa nekuratidza mukoma waJaredhi zvinhu zvakawanda. Jesu akamutaurira kuti anyore zvaakanga aona nekunzwa.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi achifamba achidzika gomo

Mukoma waJaredhi akatakura mabwe ndokudzika nawo mugomo. Akaisa ibwe rimwechete kumagumo kwechikepe chimwe nechimwe. Mabwe akapa chiedza mukati zvikepe .

Mufananidzo
Zvikepe zviri mumvura

MaJaredhi akapinda muzvikepe nezvipfuyo nezvokudya zvavo. Ishe vakaita kuti mhepo inesimba guru ifambise zvikepe zvakananga kunyika yechipikirwa.

Mufananidzo
mukoma waJaredhi

Ishe vakavadzivirira mugungwa raive nemasaisai ane ukasha. Vakatenda Ishe uye vakaimba rumbidzo kwavari.

Mufananidzo
Zvikepe zvichisvika kunyika yechipikirwa.

Mushure memazuva mazana matatu nemakumi mana nemana vari mumvura, zvikepe zvakasvika kumahombekombe enyika yechipikirwa.

Mufananidzo
MaJaredhi achinamata

Apo MaJaredhi paakabuda muzvikepe vakapfugama vakachema misodzi yemufaro.

Mufananidzo
mukadzi atakura gorosi.

MaJaredhi vakavaka dzimba nekudyara zvirimwa munyika yechipikirwa. Vakadzidzisa vana vavo kuteerera kuna Ishe uye kuteerera kumanzwi ake.