Scripture Stories
Vanhu vekuziva


Vanhu vekuziva

Abhinadai

muporofita akatumwa kunodzidzisa Mambo Noa, uyo akakonzera kuti Abhinadai apiswe kusvikira afa

Adama

munhu wekutanga panyika

Amarikiya

murume aiva akaipa aida kuve mambo wemaNifai asi angadai akazotora rusununguko rwevanhu. Apo paakatadza kuva mambo, akaenda kunobatana nemaRamani.

Amarisai

Murume aive akaipa, uye aida kuve mambo wemaNifai. Apo paakatadza kuva mambo, iye nevateveri vake, vakabva, vakarwisa maNifai, uye ndokubva vanobatana nemaRamani.

Amaroni

Murume akarurama akapa Mormoni magwaro kuti achengetedze zvakanaka.

Amoni, vanhu va

MaRamani akatendeutswa nevanakomana vaMosaya Vanhu vakaviga zvombo zvavo uye vakatsidza kusambofa vakarwa zvakare.

Amoni1

mutungamiriri weboka remaNifai aibva kuZarahemura, uyo akaenda kunyika yaNifai uye akabatsira maNifai ikoko kuti vapukunyuke

Amoni2

mumwe wevanakomana vaMosaya akadzivirira zvipfuyo zvaMambo Ramoni kubva kumakororo Akadzidzisa nekutendeutsa maRamani akawanda munguva yehushumiri hwake.

Amureki

mufambidzani pahushumiri hwaAruma Mudiki Vakaiswa mutirongo asi vakashandisa simba raMwari kuti madziro etirongo apunzike.

Amuroni

mupirisita akaipa waMambo Noa, uyo akaitwa mutongi kuvanhu vaAruma. Akaita kuti vashande zvakaoma uye akavatyisidzira nekuti aizouraya ani nani aiwanikwa achinamata.

Aroni

mwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.

Aruma

mupirista waMambo Noa akatenda dzidziso dzaAbhinadai uye pashure akazove mutungamiriri muChechi

Aruma Mudiki

mwanakomana waAruma akapanduka uye akaedza kuparadza Chechi asi akatendeuka akatanga kudzidzisa vhangeri. Akazove mutungamiri weChechi uye mutongi mukuru wekutanga.

Benjamin, Mambo

mambo wakarurama uyo akamira pashongwe kuti adzidzise vanhu vake nezva Jesu Kristu.

Enosi

mwanakomana waJakobho akanamata zuva rose uye kupinda muhusiku. Akanamatira maNifai nemaRamani.

Eta

muporofita akayambira maJaredhi kuti vatendeuke uye akanyora nezve kuparadzwa kwavo

Eva

mukadzi wekutanga panyika

Gidiyoni

muNifai aiva akarurama akadzivirira Chechi apo Neho paakatanga kudzidzisa vanhu nhema. Neho akamuuraya

Hagoti

muvaki wengarava wechiNifai uyo akatora maNifai akawanda kuenda kunyika yekumaodzanyemba

Himinayi

mwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.

Hiramani

mwanakomana mukuru waAruma Mudiki. Akapiwa mahwendefa uye akaudzwa kuti anyore nhoroondo yevanhu vake. Aivawo mutungamiri wezviuru zviviri zvevarwi vechidiki.

Ishimairi

murume aibva kuJerusarema akafamba kuenda kunyika yechipikirwa nemhuri yaRihai. Vanasikana vake vakaroorwa nevanakomana vaRihai.

Jakobho

mwanakomana waRihai naSaria Akapikisa Sheremu, uyo aiti Kristu aisaveko.

Josefa

mwanakomana akarurama waRihai naSaria uyo akazvarirwa murenje

Joseph Smith, Mudiki

muporofita wemazuva ekupedzisira uyo akadudzira Bhuku raMormoni kubva pamahwendefa egoridhe

Koriandoni

mwanakomana waAruma Mudiki uyo aive asiri mushumiri akatendeka uye akarurama.

Korianduma

mambo wakaipa aive muJaredhi mupenyu wokupedzisira

Koriho

murume aiva akaipa uyo aida chiratidzo chaizoratidza kuti Mwari anorarama. Mwari vakapa Koriho chiratidzo nekumutorera inzwi rake.

maAmirisai

vateveri vaAmirisai Vakaisa mucherechedzo mutsvuku pahuma uye ndokubatana nemaRamani.

MaJaredhi

vateveri vaJaredhi nemukoma wake avo vakasiya Bhabheri uye vakaenda kunyika yechipikirwa vari muzvikepe

MaNifai

Vateveri vaNifai kana kuti vanhu vakatambira vhangeri

MaRamani

zvizvarwa kana kuti vateveri vaRamani naRumeri kana kuti vanhu vakaramba vhangeri

Maria

mai vaJesu

MaZoramu

vanhu vaive vakaipa vaimbove nhengo dzeChechi yaMwari vainamata vari mumasinagoge panzvimbo yakakwirira yainzi Rameumbutomu.

Mormoni

mutungamiriri wemauto echiNifai uye mumwe wevaporofita vekupedzisira wechiNifai. Ndiye akaisa zvinyorwa pamwechete kuita Bhuku raMomoni.

Moronai

Mwanakomana waMormoni uye muporofita wechiNifai wekupedzisira. Akaviga mahwendefa egoridhe uye pashure akazozviratidza kuna Josephi Smith sengirozi.

Moroni, Mutungamiri

mutungamiriri akarurama weuto remaNefi. Akagadzira mureza werusununguko uye akaudza mauto ake kuti varwire rusununguko rwavo.

Mosaya, Mambo

mambo wekupedzisira wechiNifai Aiva nevanakomana vana.

mukoma waJaredhi

muporofita akakumbira Jesu kuti abate matombo gumi nematanhatu kuitira kuti azopa chiedza mukati muzvikepe izvo zvakashandiswa nemaJaredhi kuenda kunyika yechipikirwa

Neho

murume akaipa akapikisa zvakasimba Chechi yaMwari. Akauraya Gidhiyoni uye iye akauraiwawo.

Nifai1

mwanakomana aive akarurama waRihai naSaria. Akatora mahwendefa ebhurasi kubva kuna Rabani uye akavaka ngarava yakaendesa mhuri yake kunyika yechipikirwa.

Nifai2

mwanakomana waHiramani Iye nemukoma wake, Rihai vakakandwa mutirongo uye vakakomberedzwa nemoto. Nifai akakonzera nzara senzira yekudzidzisa vanhu kuti vatendeuke.

Nifai3

murume aiva akarurama akasarudzwa naJesu Kristu kuti ave mudzidzi nemutungamiri weChechi

Noa, Mambo

mambo wechiNifai waive akaipa uyo aida hupfumi uye aidzidzisa vanhu vake kuve vakaipa. Vanhu vake pachake vakamupisa kusvikira afa.

Omuna

mwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.

Pahorani

mutongi mukuru wechiNifai uyo akabatsira Mutungamiriri Moronai kukunda maNifai aive akaipa.

Rabhani

murume aive akaipa muJerusarema uyo airamba kupa mahwendefa ebhurasi kuvanakomana vaRihai

Ramani

mwanakomana mukuru waRihai naSaria. Akanga akaipa uye akapandukira Mwari.

Ramani, Mambo

mambo wechiRamani aive akaipa uyo akapa Zenifi nevateveri vake vechiNifai maguta maviri asi zvino ndokuzovarwisa

Ramonai, baba vaMambo

mambo wechiRamani akadzidziswa vhangeri akatenda. Akati aizosiya zvivi zvake zvose kuti azive Mwari.

Ramoni, Mambo

mambo wechiRamani akadzidziswa vhangeri akatenda. Amoni2 akadzivirira zvipfuyo zvamambo kubva kumakororo.

Remueri

mwanakomana akaipa waRihai naSaria

Rihai1

muporofita uyo akayambira kuti Jerusarema yaizoparadzwa. Akateerera apo Mwari paakamuudza kuti atore mhuri yake vaende murenje.

Rihai2

mwanakomana waHiramani Iye nemunin’ina wake Nifai, vakakandwa mutirongo uye vakakomberedzwa nemoto.

Rimihi, Mambo

mwanakomana akanaka waMambo Noa aive akaipa. Iye nevanhu vake vaive nhapwa dzemaRamani asi vakapukunyuka.

Samueri muRamani

Muporofita akaporofita kumaNifai nezve zviratidzo zvekuzvarwa nekufa kwaJesu Kristu

Saria

mukadzi1 waRihai

Semu

mwanakona akarurama waRihai naSaria

Sendamu

munin’ina uye mupondi waSizoramu

Sheremu

muNifai akaipa uyo aida chiratidzo asati atenda muna Jesu Kristu

Shizi

muJaredhi aive akaipa akatungamira mauto kunorwisana naKorianduma uye aiva mumwe wemaJaredhi ekupedzisira airarama.

Sizoramu

mutongi mukuru akapondwa nemunin’ina wake

Vaipikisa maNifai-Rihai

(ona Amoni, vanhu va)

vanakomana vaMosaya

vanakomana vaMambo Mosaya: Aroni, Amoni,2 Himinai, naOmuna, avo vaive vashumiri vakasimba kumaRamani

varume vakasununguka

MaNifai aida rusununguko rwekurarama nokunamata semasarudziro avo. Vaitongwa nevatongi, kwete namambo.

varume vamambo

MaNifai avo vaida kutongwa namambo, kwete nevatongi Apo pavakatadza kuva namambo vakabatana nemaRamani uye vakarwisa maNifai.

Zarehemura

mutungamiri wechiRamani akarwisana nemaNifai uye aida kuti vave nhapwa dzake. Akachekwa kubviswa ganda redehenya muhondo yavairwisana nemauto aMutungamiri Moronai.

Zenifi

mutungamiri akarurama uyo akatora boka remaNifai kubva kuZarahemura kuenda kunyika yaNifai, uko kwavakanova nhapwa dzaMambo Ramani aive akaipa

Ziziromu

gweta rakaedza kupa Amureki mari kuti ati hakuna Mwari. Aruma Mudiki akamudzidzisa vhangeri, uye akatendeuka.

Zoramu

muranda waRabani uyo akaenda nemhuri yaRihai kunyika yechipikirwa

zviuru zviviri zvevarwi vechidiki

mauto evarume vadiki vechiAmoni aitungamirirwa naHiramani. Vakarwa kuitira kuti vabereki vavo, avo vakangaka vakatsidza kusarwa, vasazofanira kurwa.