Vanhu vekuziva
- Abhinadai
-
muporofita akatumwa kunodzidzisa Mambo Noa, uyo akakonzera kuti Abhinadai apiswe kusvikira afa
- Adama
-
munhu wekutanga panyika
- Amarikiya
-
murume aiva akaipa aida kuve mambo wemaNifai asi angadai akazotora rusununguko rwevanhu. Apo paakatadza kuva mambo, akaenda kunobatana nemaRamani.
- Amarisai
-
Murume aive akaipa, uye aida kuve mambo wemaNifai. Apo paakatadza kuva mambo, iye nevateveri vake, vakabva, vakarwisa maNifai, uye ndokubva vanobatana nemaRamani.
- Amaroni
-
Murume akarurama akapa Mormoni magwaro kuti achengetedze zvakanaka.
- Amoni, vanhu va
-
MaRamani akatendeutswa nevanakomana vaMosaya Vanhu vakaviga zvombo zvavo uye vakatsidza kusambofa vakarwa zvakare.
- Amoni1
-
mutungamiriri weboka remaNifai aibva kuZarahemura, uyo akaenda kunyika yaNifai uye akabatsira maNifai ikoko kuti vapukunyuke
- Amoni2
-
mumwe wevanakomana vaMosaya akadzivirira zvipfuyo zvaMambo Ramoni kubva kumakororo Akadzidzisa nekutendeutsa maRamani akawanda munguva yehushumiri hwake.
- Amureki
-
mufambidzani pahushumiri hwaAruma Mudiki Vakaiswa mutirongo asi vakashandisa simba raMwari kuti madziro etirongo apunzike.
- Amuroni
-
mupirisita akaipa waMambo Noa, uyo akaitwa mutongi kuvanhu vaAruma. Akaita kuti vashande zvakaoma uye akavatyisidzira nekuti aizouraya ani nani aiwanikwa achinamata.
- Aroni
-
mwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.
- Aruma
-
mupirista waMambo Noa akatenda dzidziso dzaAbhinadai uye pashure akazove mutungamiriri muChechi
- Aruma Mudiki
-
mwanakomana waAruma akapanduka uye akaedza kuparadza Chechi asi akatendeuka akatanga kudzidzisa vhangeri. Akazove mutungamiri weChechi uye mutongi mukuru wekutanga.
- Benjamin, Mambo
-
mambo wakarurama uyo akamira pashongwe kuti adzidzise vanhu vake nezva Jesu Kristu.
- Enosi
-
mwanakomana waJakobho akanamata zuva rose uye kupinda muhusiku. Akanamatira maNifai nemaRamani.
- Eta
-
muporofita akayambira maJaredhi kuti vatendeuke uye akanyora nezve kuparadzwa kwavo
- Eva
-
mukadzi wekutanga panyika
- Gidiyoni
-
muNifai aiva akarurama akadzivirira Chechi apo Neho paakatanga kudzidzisa vanhu nhema. Neho akamuuraya
- Hagoti
-
muvaki wengarava wechiNifai uyo akatora maNifai akawanda kuenda kunyika yekumaodzanyemba
- Himinayi
-
mwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.
- Hiramani
-
mwanakomana mukuru waAruma Mudiki. Akapiwa mahwendefa uye akaudzwa kuti anyore nhoroondo yevanhu vake. Aivawo mutungamiri wezviuru zviviri zvevarwi vechidiki.
- Ishimairi
-
murume aibva kuJerusarema akafamba kuenda kunyika yechipikirwa nemhuri yaRihai. Vanasikana vake vakaroorwa nevanakomana vaRihai.
- Jakobho
-
mwanakomana waRihai naSaria Akapikisa Sheremu, uyo aiti Kristu aisaveko.
- Josefa
-
mwanakomana akarurama waRihai naSaria uyo akazvarirwa murenje
- Joseph Smith, Mudiki
-
muporofita wemazuva ekupedzisira uyo akadudzira Bhuku raMormoni kubva pamahwendefa egoridhe
- Koriandoni
-
mwanakomana waAruma Mudiki uyo aive asiri mushumiri akatendeka uye akarurama.
- Korianduma
-
mambo wakaipa aive muJaredhi mupenyu wokupedzisira
- Koriho
-
murume aiva akaipa uyo aida chiratidzo chaizoratidza kuti Mwari anorarama. Mwari vakapa Koriho chiratidzo nekumutorera inzwi rake.
- maAmirisai
-
vateveri vaAmirisai Vakaisa mucherechedzo mutsvuku pahuma uye ndokubatana nemaRamani.
- MaJaredhi
-
vateveri vaJaredhi nemukoma wake avo vakasiya Bhabheri uye vakaenda kunyika yechipikirwa vari muzvikepe
- MaNifai
-
Vateveri vaNifai kana kuti vanhu vakatambira vhangeri
- MaRamani
-
zvizvarwa kana kuti vateveri vaRamani naRumeri kana kuti vanhu vakaramba vhangeri
- Maria
-
mai vaJesu
- MaZoramu
-
vanhu vaive vakaipa vaimbove nhengo dzeChechi yaMwari vainamata vari mumasinagoge panzvimbo yakakwirira yainzi Rameumbutomu.
- Mormoni
-
mutungamiriri wemauto echiNifai uye mumwe wevaporofita vekupedzisira wechiNifai. Ndiye akaisa zvinyorwa pamwechete kuita Bhuku raMomoni.
- Moronai
-
Mwanakomana waMormoni uye muporofita wechiNifai wekupedzisira. Akaviga mahwendefa egoridhe uye pashure akazozviratidza kuna Josephi Smith sengirozi.
- Moroni, Mutungamiri
-
mutungamiriri akarurama weuto remaNefi. Akagadzira mureza werusununguko uye akaudza mauto ake kuti varwire rusununguko rwavo.
- Mosaya, Mambo
-
mambo wekupedzisira wechiNifai Aiva nevanakomana vana.
- mukoma waJaredhi
-
muporofita akakumbira Jesu kuti abate matombo gumi nematanhatu kuitira kuti azopa chiedza mukati muzvikepe izvo zvakashandiswa nemaJaredhi kuenda kunyika yechipikirwa
- Neho
-
murume akaipa akapikisa zvakasimba Chechi yaMwari. Akauraya Gidhiyoni uye iye akauraiwawo.
- Nifai1
-
mwanakomana aive akarurama waRihai naSaria. Akatora mahwendefa ebhurasi kubva kuna Rabani uye akavaka ngarava yakaendesa mhuri yake kunyika yechipikirwa.
- Nifai2
-
mwanakomana waHiramani Iye nemukoma wake, Rihai vakakandwa mutirongo uye vakakomberedzwa nemoto. Nifai akakonzera nzara senzira yekudzidzisa vanhu kuti vatendeuke.
- Nifai3
-
murume aiva akarurama akasarudzwa naJesu Kristu kuti ave mudzidzi nemutungamiri weChechi
- Noa, Mambo
-
mambo wechiNifai waive akaipa uyo aida hupfumi uye aidzidzisa vanhu vake kuve vakaipa. Vanhu vake pachake vakamupisa kusvikira afa.
- Omuna
-
mwana waMambo Mosaya uye mushumiri kumaRamani.
- Pahorani
-
mutongi mukuru wechiNifai uyo akabatsira Mutungamiriri Moronai kukunda maNifai aive akaipa.
- Rabhani
-
murume aive akaipa muJerusarema uyo airamba kupa mahwendefa ebhurasi kuvanakomana vaRihai
- Ramani
-
mwanakomana mukuru waRihai naSaria. Akanga akaipa uye akapandukira Mwari.
- Ramani, Mambo
-
mambo wechiRamani aive akaipa uyo akapa Zenifi nevateveri vake vechiNifai maguta maviri asi zvino ndokuzovarwisa
- Ramonai, baba vaMambo
-
mambo wechiRamani akadzidziswa vhangeri akatenda. Akati aizosiya zvivi zvake zvose kuti azive Mwari.
- Ramoni, Mambo
-
mambo wechiRamani akadzidziswa vhangeri akatenda. Amoni2 akadzivirira zvipfuyo zvamambo kubva kumakororo.
- Remueri
-
mwanakomana akaipa waRihai naSaria
- Rihai1
-
muporofita uyo akayambira kuti Jerusarema yaizoparadzwa. Akateerera apo Mwari paakamuudza kuti atore mhuri yake vaende murenje.
- Rihai2
-
mwanakomana waHiramani Iye nemunin’ina wake Nifai, vakakandwa mutirongo uye vakakomberedzwa nemoto.
- Rimihi, Mambo
-
mwanakomana akanaka waMambo Noa aive akaipa. Iye nevanhu vake vaive nhapwa dzemaRamani asi vakapukunyuka.
- Samueri muRamani
-
Muporofita akaporofita kumaNifai nezve zviratidzo zvekuzvarwa nekufa kwaJesu Kristu
- Saria
-
mukadzi1 waRihai
- Semu
-
mwanakona akarurama waRihai naSaria
- Sendamu
-
munin’ina uye mupondi waSizoramu
- Sheremu
-
muNifai akaipa uyo aida chiratidzo asati atenda muna Jesu Kristu
- Shizi
-
muJaredhi aive akaipa akatungamira mauto kunorwisana naKorianduma uye aiva mumwe wemaJaredhi ekupedzisira airarama.
- Sizoramu
-
mutongi mukuru akapondwa nemunin’ina wake
- Vaipikisa maNifai-Rihai
-
(ona Amoni, vanhu va)
- vanakomana vaMosaya
-
vanakomana vaMambo Mosaya: Aroni, Amoni,2 Himinai, naOmuna, avo vaive vashumiri vakasimba kumaRamani
- varume vakasununguka
-
MaNifai aida rusununguko rwekurarama nokunamata semasarudziro avo. Vaitongwa nevatongi, kwete namambo.
- varume vamambo
-
MaNifai avo vaida kutongwa namambo, kwete nevatongi Apo pavakatadza kuva namambo vakabatana nemaRamani uye vakarwisa maNifai.
- Zarehemura
-
mutungamiri wechiRamani akarwisana nemaNifai uye aida kuti vave nhapwa dzake. Akachekwa kubviswa ganda redehenya muhondo yavairwisana nemauto aMutungamiri Moronai.
- Zenifi
-
mutungamiri akarurama uyo akatora boka remaNifai kubva kuZarahemura kuenda kunyika yaNifai, uko kwavakanova nhapwa dzaMambo Ramani aive akaipa
- Ziziromu
-
gweta rakaedza kupa Amureki mari kuti ati hakuna Mwari. Aruma Mudiki akamudzidzisa vhangeri, uye akatendeuka.
- Zoramu
-
muranda waRabani uyo akaenda nemhuri yaRihai kunyika yechipikirwa
- zviuru zviviri zvevarwi vechidiki
-
mauto evarume vadiki vechiAmoni aitungamirirwa naHiramani. Vakarwa kuitira kuti vabereki vavo, avo vakangaka vakatsidza kusarwa, vasazofanira kurwa.