Scripture Stories
Chitsauko 25: Aroni Anodzidzisa Baba vaMambo Ramonai


Chitsauko 25

Aroni Anodzidzisa Baba vaMambo Ramonai

Mufananidzo
Aroni nevafambidzani vake vari parwendo

Mweya Mutsvene wakatungamirira Aroni nevafambidzani vake kunyika yaNifai kuti vanodzidzisa baba vaRamonai, mambo wemaRamani ose.

Mufananidzo
Aroni achitaura kuna mambo

Aroni akataurira mambo kuti aive mukoma waAmoni. Mambo ainge achifunga pamusoro petsitsi dzaAmoni uye pamusoro pezvakanga zvataurwa na Amoni kwaari.

Mufananidzo
Aroni achitaura kuna mambo

Aroni akabvunza mambo kana vaitenda muna Mwari. Mambo akati akanga asina chokwadi , asi akati aizotenda kana Aroni akati Mwari variko. Aroni akavimbisa mambo kuti Mwari vaiva vapenyu.

Mufananidzo
Aroni achiverenga magwaro matsvene kuna mambo

Aroni akaverengera mambo magwaro matsvene. Akamudzidzisa pamusoro poKusikwa kwepasi, kupunzika kwaAdama, uye nebasa raJesu Kristu.

Mufananidzo
mambo achitaura kunaAroni

Mambo akabvunza izvo zvaaifanira kuita kuti ave neMweya Mutsvene uye agova akagadzirira kuzogara naMwari. Mambo aida kuita chipi zvacho, kunyange kusiya umambo hwake.

Mufananidzo
Aroni achitaura kuna mambo

Aroni akataurira mambo kuti aifanira kutendeuka zvakazara pazvivi zvake . Aifanira kuti anamate uye nekuva nerutendo muna Mwari.

Mufananidzo
mambo achinamata

Mambo akanamata kuti agoziva kana Mwari vaivako zvechokwadi. Akati aizoregera zvivi zvake zvose.

Mufananidzo
mambo ari pasi

Mambo akawira pasi uye akaratidzika seafa. Apo mambokadzi paakamuona, akafunga kuti Aroni nevafambidzani vake vakanga vamuuraya.

Mufananidzo
mambokadzi achiraira varanda

Mambokadzi akaraira varanda vake kuti vauraye Aroni nevafambidzani vake, asi varanda vakatya kuzviita. Akavatuma kunotsvaga vamwe vanhu vaizogona kuzviita.

Mufananidzo
Aroni achiraira mambo kuti asimuke

Pasati paungana mhomho yevanhu uye ikazokonzera dambudziko, Aroni akatora ruoko rwamambo uye akamutaurira kuti asimuke. Mambo akasimuika

Mufananidzo
mambo achinyaradza mudzimai

Mambo akanyaradza mudzimai nevaranda vake avo vakanga vari kutya uye akazovadzidzisa vhangeri. Vose vakatenda muna Jesu Kristu.