Scripture Stories
Chitsauko 24: Amoni Anosangana naBaba vaMambo Ramonai


Chitsauko 24

Amoni Anosangana naBaba vaMambo Ramonai

Mufananidzo
Ramonai achitaura naAmoni

Mambo Ramonai aida kuenda naAmoni kuti asangane nababa vake. Ishe vakayambira Amoni kuti asaende nokuti baba vaRamonai vaizoedza kumuuraya.

Mufananidzo
Amoni naRamonai

Ishe vakataurira Amoni kuti kunze kwekuendako aende kunyika yeMidhoni uko mukoma wake Aroni kwaaive mutirongo. Mambo Ramonai vakaenda naAmoni.

Mufananidzo
Amoni naRamonai vaina baba vaRamonai

Apo pavaiva parwendo vakasangana nababa vaMambo Ramonai, avo vaive mambo pamusoro penyika yose. Akabvunza Ramonai kuti aienda kupi nemuNifai ainyepa.

Mufananidzo
Ramonai, Amoni, nababa vaRamonai

Mambo Ramonai akataurira baba vake pamusoro paAmoni nemukoma wake aive mutirongo. Nokushatirirwa, baba vaRamonai vakaraira Ramonai kuti auraye Amoni uye asaenda kuMidhoni.

Mufananidzo
Baba vaRamonai vachiedza kuuraya Ramonai

Ramonai akaramba kuuraya Amoni uye akati iye naAmoni vaizonosunungura Aroni. Baba vaRamonai vakashatirwa zvakanyanya uye vakaburitsa munondo wavo kuti vauraye Ramonai.

Mufananidzo
Amoni achikuvadza baba vaRamonai

Amoni akanomira mberi kuti adzivirire Ramoni. Baba vaRamonai zvino vakaedza kuuraya Amoni, asi akazvidzivirira uye akakuvadza ruoko rwababa vaRamonai.

Mufananidzo
Amoni nababa vaRamonai

Zvino baba vaRamonai zvavakaona kuti Amoni angangovauraya, vakati vaizokamura umambo hwavo nepakati uye vopa Amoni chimwe chikamu chacho kana akasamuuraya.

Mufananidzo
Amoni achitaura nababa vaRamonai

Amoni akati aida kuti Aroni nevafambidzani vake vasunungurwe kubva mutirongo uye aida kuti Ramonai akwanise kuchengeta umambo hwake.

Mufananidzo
Amoni achigadzirisa ronda ramambo

Baba vaRamonai vakaona kuti Amoni akange asingadi kuvakuvadza. Vakashamiswa nemadiro aiita Amoni mwanakomana wake. Vakakoka Amoni kuti avadzidzise vhangeri.

Mufananidzo
Mambo Ramonai achitaura namambo weMidhoni

Amoni naMambo Ramonai vakaenda kuMidhoni. Ramonai akataura namambo ikoko, uye Aroni nevafambidzani vake vakasunungurwa kubva mutirongo.

Mufananidzo
Aroni nevafambidzani vake vachisunungurwa

Amoni akasuwa kuona mabatirwo asina kunaka avakanga vaitwa. Vakanga vatambudzwa zvikuru asi vaive vakatirira.