Scripture Stories
Chitsauko 46: Jesu Kristu Anodzidzisa uye Anomata nemaNifai


Chitsauko 46

Jesu Kristu Anodzidzisa uye Anonamata nemaNifai

Mufananidzo
vanhu vachifamba usiku

MaNifai akaaona Jesu Kristu vakaudza shamwari dzavo kuti aizodzoka pazuva raitevera. Vanhu vazhinji vakashanda nesimba guru kuti vasvike kwaizove naJesu

Mufananidzo
vanhu vachinamata

Magwanani akatevera maNifai nevamwe vadzidzi vakadzidzisa boka rakanga raungana. Vadzidzi zvino vakanamatira kuti vazotambira Mweya Mutsvene.

Mufananidzo
vadzidzi vachibhabhatidzwa

Nifai akapinda mumvura uye akabhabhatidzwa. Zvino akabhabhatidza vamwe vadzidzi.

Mufananidzo
ngirozi dzichiuya kubva kudenga

Mushure mekubhabhatidzwa, vadzidzi vakatambira Mweya Mutsvene. Moto wairatidzika sekunge wakavakomberedza, uye ngirozi dzikadzika kubva kudenga dzikavaparidzira.

Mufananidzo
Jesu aine ngirozi

Apo ngirozi padzakanga dzine vadzidzi, Jesu akauya akamira pakati pavo.

Mufananidzo
MaNifai achinamata

Kristu akataurira maNifai ose kuti apfugame pasi. Akataurira vadzidzi vake kuti vanamate.

Mufananidzo
Jesu achinamata

Apo pavainamata, Jesu akasuduruka zvishoma kubva paiva navanhu uye akapfugama pasi akanamata kuna Baba Vekudenga.

Mufananidzo
Jesu achinamata

Jesu akatenda Baba Vekudenga kuti vakapa Mweya Mutsvene kuvadzidzi vake. Zvino akakumbira kuti Mweya Mutsvene upiwe kuna ani nani anotenda mazwi evadzidzi.

Mufananidzo
Jesu achiropafadza vadzidzi

Jesu akaropafadza vadzidzi vake apo pavainamata. Akanyemwerera kwavari, uye vakava vachena sechiso nembatya dzake.

Mufananidzo
Jesu achinamata nevadzidzi

Jesu akanamatira vadzidzi vake zvakare. Akafadzwa nerutendo rukuru rwavo.

Mufananidzo
Jesu achitaura kuvanhu

Kristu akaudza vanhu kuti vamire kunamata asi kuti varambe vachinamata mumwoyo mavo. Zvino akavapa sakaramende.

Mufananidzo
Jesu achiropafadza chingwa

Hapana akanga aunza chingwa kana waini, asi Muponesi akaita kuti zvivepo nenzira inoshamisa.

Mufananidzo
Joseph Smith akabata magwaro matsvene

Jesu Kristu akataurira maNifai kuti vhangeri rake raizounzwa zvakare pasi mumazuva okupedzisira.

Mufananidzo
Kristu achitaura kunaNifai

Akavataurira kuti vanzvere magwaro matsvene, uye akaita kuti Nifai anyore muzvinyorwa kuzadzikiswa kwehuporofita hwese hwaSamueri muRamani.

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa kubva mumagwaro matsvene

Zvino Jesu akadzidzisa vanhu kubva mumagwaro matsvene. Akavataurira kuti vadzidzisane zvinhu zvaakanga avadzidzisa.

Mufananidzo
Nifai achibhabhatidza

Jesu akadzokera kudenga, uye vadzidzi vake vakadzidzisa vanhu. Avo vaitenda vakabhabhatidzwa vakatambira Mweya Mutsvene.

Mufananidzo
Nifai akatakura manhanga

MaNifai akatanga kuteerera mirairo yose.