Scripture Stories
Chitsauko 2: Rihai Anoyambira Vanhu


Chitsauko 2

Rihai Anoyambira Vanhu

Mufananidzo
muporofita achidzidzisa

Vanhu vazhinji vaigara muJerusarema makore mazana matanhatu Kristu asati azvarwa vakanga vakaipa. Mwari vakatumira vaporofita kuti vavataurire kuti vatendeuke, asi havana kumboteerera.

Mufananidzo
Rihai nemurazvu wemoto

Rihai aiva muporofita. Akanamata kuti vanhu vatendeuke. Apo paakanga achinamata, murazvu wemoto wakavapo. Mwari vakataurira uye vakaratidza Rihai zvinhu zvakawanda.

Mufananidzo
Rihai achiona chiratidzo

Rihai akadzokera kumba uye akave nechiratidzo. Akaona Mwari vakakomberedzwa nengirozi zhinji. Ngirozi dzaiimba uye dzichirumbidza Mwari.

Mufananidzo
Chiratidzo chaRihai

Muchiratidzo chake Rihai akapihwa bhuku raitaura izvo zvaizoitika mune ramangwana. Akaverenga kuti Jerusarema raizoparadzwa nokuti vanhu vakanga vakaipa.

Mufananidzo
Rihai achitaura kuvanhu

Rihai akataurira vanhu kuti Jerusarema raizoparadzwa. Akataurawo nezve kuuya kwaJesu. Vanhu vakashatirwa uye vakaedza kuuraya Rihai, asi Ishe vakamudzivirira.