Scripture Stories
Chitsauko 37: Nifai naRihai vari Mutirongo


Chitsauko 37

Nifai naRihai vari Mutirongo

Mufananidzo
Hiramani nevanakomana

Nifai naRihai vakanga vari vanakomana vaHiramani. Hiramani aida kuti vave vakarurama saRihai naNifai vakanga vabva muJerusarema.

Mufananidzo
Hiramani achidzidzisa vanakomana

Hiramani akadzidzisa vanakomana vake kutenda muna Jesu Kristu. Vakadzidza kuti ruregerero runouya kuburikidza nerutendo nerutendeuko.

Mufananidzo
vanhu vachibhabhatidzwa

Nifai naRihai vakaenda kunodzidzisa shoko raMwari kumaNifai nemaRamani. Zviuru zvevanhu zvakabhabhatidzwa.

Mufananidzo
Nifai naRihai vakasungwa

Apo Nifai naRihai pavakaenda kunyika yaNifai, mauto echiRamani akavakanda mutirongo uye havana kuvapa zvokudya kwemazuva mazhinji.

Mufananidzo
Nifai naRihai vari mumoto

MaRamani vakaenda kutirongo kunouraya Nifai naRihai asi havana kukwanisa kuvauraya nokuti vakanga vakadzivirirwa nedenderedzwa remoto uyo waizokwanisa kupisa ani zvake aiedza kuvabata.

Mufananidzo
Nifai naRihai vari mumoto

Nifai naRihai havana kupiswa nemoto. Vakataurira maRamani kuti simba raMwari rakanga riri kuvadzivirira.

Mufananidzo
madziro etirongo achizungunuka

Pasi nemadziro etirongo zvakatanga kuzungunuka. Gore dema rakakomberedza vanhu mutirongo uye vakatya.

Mufananidzo
masoja ari murima

Izwi raibva pamusoro perima rakataura. Rakanga riri izwi rakanyarara rakaita sezevezeve, asi munhu wese aikwanisa kurinzwa.

Mufananidzo
vanhu vari murima

Izwi rakataurira vanhu kuti vatendeuke uye varegere kuedza kuuraya Nifai naRihai.

Mufananidzo
masoja ari pasi

Izwi rakataura katatu, uye pasi nemadziro etirongo zvikaramba zvichizungunuka. MaRamani haana kukwanisa kutiza nokuti kwakanga kwakasviba zvakanyanya uye vaitya zvikuru.

Mufananidzo
Zviso zvaNifai naRihai zvichipenya

Mumwe muNifai akambenge ari nhengo yeChechi akaona kuti zviso zvaNifai naRihai zvaipenya nemurima.

Mufananidzo
Nifai naRihai vachipenya

Nifai naRihai vakanga vakatarisa nechokudenga uye vachitaura. Murume uyu akataurira maRamani kuti vatarise. Vakashama kuti Nifai naRihai vakanga vachitaura kunaani.

Mufananidzo
Aminadabi achitaura nevarume

Murume uyu, ainzi Aminadabi, akataurira maRamani kuti Nifai naRihai vaitaura kungirozi.

Mufananidzo
Aminadabi achitaura

MaRamani akabvunza Aminadabi kuti vangabvisa sei gore dema. Akavataurira kuti vatendeuke uye vanamate kusvikira vava nerutendo muna Jesu Kristu.

Mufananidzo
MaRamani achinamata

MaRamani akanamata kusvikira gore dema rabva.

Mufananidzo
moto wakakomberedza varume

Apo rima parakabva, vanhu vakaona murazvu wemoto wakavakomberedza. Moto hauna kuvapisa kana kupisa madziro etirongo.

Mufananidzo
MaRamani

MaRamani vakanzwa mufaro mukuru, uye Mweya waMwari wakazadza mwoyo yavo.

Mufananidzo
MaRamani matatu

Izwi rakazevezera, richiti vaizonyaradzwa nokuda kwerutendo rwavo muna Jesu Kristu.

Mufananidzo
ngirozi

MaRamani vakatarisa kumusoro kuti vaone kwakanga kwabva izwi. Vakaona ngirozi dzichidzika pasi kubva kudenga.

Mufananidzo
MaRamani achitaura

Vanhu vangangoita mazana matatu vakaona nokunzwa zvakanga zvaitika mutirongo. Vakaenda vakanotaurira vamwe.

Mufananidzo
MaRamani vachiisa zvombo pasi

Vazhinji vemaRamani vakabvuma zvavakanga vanzwa uye vakaisa zvombo zvavo pasi.

Mufananidzo
MaRamani nemaNifai vachitaura

MaRamani vakarega kuvenga maNifai uye vakadzorera nyika yavakanga vatora. MaRamani vakava vanhu vakanyanya kururama kupinda maNifai

Mufananidzo
MaRamani nemaNifai vachifamba

MaRamani mazhinji vakaenda naNifai naRihai uye vakadzidzisa zvese maNifai nemaRamani.