Scripture Stories
Chitsauko 19: Vanakomana vaMambo Mosaya Vanova Vashumiri


Chitsauko 19

Vanakomana vaMambo Mosaya Vanova Vashumiri

Mufananidzo
vanakomana vana vaMosaya

Mosaya aive nevanakomana vana: Amoni, Aroni, Omuna, naHimunai. Vaive naAruma Mudiki apo ngirozi payakazviratidza kwaari.

Mufananidzo
vanakomana vaMosaya

Vanakomana vaMosaya vakanga vatendeuka kuzvivi zvavo uye vakanga vaine urombo nematambudziko avakanga vakonzera. Vaiziwa kuti vhangeri raive rechokwadi, uye vaida kuridzidzisa kune vamwe.

Mufananidzo
vanakomana vaMosaya vachitaura

Mumwe nemumwe wevanakomana vaMosaya akaramba kuva mambo. Pachinzvimbo pazvo, vaida kuve vashumiri kumaRamani uye kuti vagoverane navo makomborero evhangeri.

Mufananidzo
Mambo Mosaya achinamata

Mambo Mosaya akanamata kuti azive kana aifanira kurega vanakomana vake vachienda. Mwari vakamutaurira kuti avarege vachienda, uye kuti vaizodzivirirwa. MaRamani mazhinji vaizotenda shoko ravo.

Mufananidzo
vakomana vana vachinamata

Vanakomana vaMosaya vakaenda kunodzidzisa maRamani. Vakatsanya nekunamata kuti vaizove vashumiri vakanaka.